Nyama yembudzi ishoma: Varimi

23 Aug, 2022 - 19:08 0 Views
Nyama yembudzi ishoma: Varimi Dr Divine Ndhlukula akabata mbudzi yake

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
GURUKOTA rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Masuka vanoti mushandirapamwe pakati pevarimi vembudzi wakakosha zvikuru kuti vakwaniswe kuunganidza huwandu hwenyama inodiwa kumisika yekunze izvo zvinobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika.

Vakataura izvi mumashoko avakaverengerwa nemutevedzeri wavo, VaVangelis Haritatos, pamusangano mukuru wenhaurwa yekukosha kwembudzi weZimbabwe Goat Breeders Indaba uyo wakaitwa paHenderson Research Institute kuMazowe svondo rapera.

“Tinoda kuti pave nemushandirapamwe wevarimi vembudzi, vemaindasitiri anotengesa zvinoshandiswa nevarimi, nyanzvi dzinoita ongororo yezvipfuyo, vadzidzi vari mumakoreji nemayunivhesiti nevamwe. SeZimbabwe, tatodzidza kuti kune mikana yekuwana mari zhinji kuburikidza nebhizimusi rembudzi sezvo nyama yacho iri kudiwa nehuwandu, zvikuru kunyika dziri kudunhu reAsia,” vanodaro.

Dr Masuka vanoenderera mberi vachiti: “Tine varimisi zvekare vari kubatsira varimi neruzivo rwemachengeterwo embudzi kuti vabudirire izvo zvinobatsira mukuzadzikiswa kwezvinangwa zveNational Development Strategy 1 (NDS1). Nyama yembudzi inonaka uye zvinhu zvose zvinowanikwa pambudzi zvinoshandiswa sematehwe mukugadzira shangu, mabhatye, mabhande nezvimwe uye nyanga nemahwanda hapana chinoraswa nekuti chimwe nechimwe chine basa racho.”

Mbudzi

Dr Divine Simbi-Ndhlukula, avo vanova sachigaro weZimbabwe Goat Breeders Association (ZGBA) uye vari zvekare muvambi wekambani yeSECURICO, vanoti vacharamba vachidzidzisa varimi vembudzi kuti vapunduke mubasa ravo.

“Kunewe munhukadzi kana munhurume ndinoti hakuna chinouya chega wakatambarara, zvinhu zvose zvinoda kushanda nesimba. Ini ndine mbudzi dzinodarika 1 000 dzandinouchika ndichitengesera vamwe varimi nemakambani.

“Zimbabwe haisati yasvika pachidanho chekutengesa nyama yembudzi kune dzimwe nyika nekuti isu varimi hatisi kukwanisa kuendesa huwandu hwenyama hunodiwa. Semuenzaniso, nyika dziri kumaArab vanoda matani 30 enyama yembudzi pasvondo, saka kana isu tikada kuendesa mbudzi dzose tinosara tisina kana dzekuuchika kureva kuti tichine basa,” vanodaro.

“Musangano uno uripo kuti tipangane mazano sevarimi kuti tingaita zvipi kuti tikwanise kuwana misika iyi yakavhurika kuburikidza nekuuchika mbudzi. Zvitoro zvemuno zvikuru nezvimwe zvinoda matani 100 enyama pamwedzi asi hatisi kutokwanisa kuendesa kana shoma zvayo.”

Gladys Hore, akafanobata chigaro chahuman resources manager paHenderson Research Institute, anoti basa ravo nderekubatsira varimi nekuita ongororo yezvipfuyo pamwe nekuuraya mbudzi dzichienda kumisika.

“Tine muzinda wekuurayira mbudzi saka varimi vanouya nadzo tichivabatsira kuita izvi nenzira dzine hutsanana. Tinoita zvekare ongororo yematambudziko anosanganikwa nawo nevarimi nekuvabatsira mukutsvaga misika,” anodaro.

VaThemba Dube veMatobo Goat Business Association kudunhu reMatabeleland South vanoti dunhu ravo rakanaka zvikuru kuita bhizimusi rekupfuya mbudzi nekuti kune miti yakasiyana inofarirwa nembudzi uye madhamu nenzizi.
“Tinorwadziwa bedzi munguva yekupisa saka tinenge tava kutodzidhayira mvura kubva muzvibhorani. Ini ndine mbudzi dzinodarika 50 idzo dzimwe ndinouraya ndichidya nemhuri pamwe nekutengesa uye ndipo pane raramo yangu sezvo ndisina rimwe basa randinoita,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey