Uncategorized

Nyaya yemukadzi wekukecha kamwana (12) yava nepamwe

18 Aug, 2016 - 08:08 0 Views
Nyaya yemukadzi wekukecha kamwana (12) yava nepamwe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYAYA yemukadzi mukuru uye wekumiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nguva yadarika akatarisana nemhosva yekupinda pabonde nekamwana kane makore 12 okuberekwa uyo anonzi akakatapurira utachiona hweHIV apo vaviri ava vakange vakechana murimwe bhawa yasanduka musambo sezvo musungwa uyu ave kuramba mhosva iyi zvisinei kuti akamboibvuma pakutanga.

Pakapinda nyaya iyi mudare nguva yadarika, mukadzi uyu, Angeline Mawumidze (32), akabvuma mhosva yake pasina kundandama achiti akasasana pabonde nemukomana watakapa zita rekuti James sezvo achiri pwere, nekudaro anofanira kuchengetedzwa zita rake pasi pemutemo.

James ari kuita Grade 7 pane chimwe chikoro kuChitungwiza.

Zvakadaro, nyaya iyi yakapinda zvakare mudare svondo rino apo Mawumidze, uyo ava kumirirwa negweta rekambani yePundu and Company, VaElvis Dondo, akaramba mhosva.

Mawumidze pakutanga akamiswa mudare iri nomusi wa1 Chikunguru gore rino achipomerwa kupinda pabonde nemwana asati abva zera pasi pemutemo weSection 70 of the Criminal Law (Codification and Reform Act (Chapter 9:23).

Musungwa uyu panguva iyi akabvuma mhosva izvo zviri mumagwaro edare iri uye nyaya iyi yakaramba ichingopfuudzwa mberi achimirira mutongo wake.

Panguva iyo Mawumidze akange akamirira mutongo, dare rakauya neimwe nyaya itsva yekuti musungwa uyu ane utachiona hweHIV nokudaro anofanira kutongerwa zvakare mhosva yekutapurira mumhan’ari utachiona pasi pemutemo weSection 80 of the Criminal Law and Codification and Reform Act.

Mushure, dare rakanyora magwaro kuhofisi huru inoona nezvevachuchisi (National Prosecuting Authority) richida kubatsirwa nemafambisirwo enyaya iyi.

Zvakadai, VaDondo vanoti Mawumidze ave kuramba mhosva iyi zvichienderana nemutemo uri muchikamu 272 of the Criminal Procedure and Evidence Act (Chapter 9:07).

Kubvuma kana kuramba mhosva uku kunogona kuitwa pane ipi zvayo nguva kana mutongo usati wapihwa.

Vanoti zvinozivikanwa kuti kana musungwa asina gweta rinomumiririra anogona kubvuma mhosva nekusaziva asi mushure mekuzopangwa mazano nezvemhosva yaanenge akatarisana nayo, panoonekwa paine kupokana nezvaanenge ambotaura.

Gweta iri rakapa muenzaniso wedzimwe nyaya dzakambotongwa dzinodyidzana neiyi.

VaDondo vanoti zvichifambirana nemutemo weCriminal Procedure and Evidence Act, dare rinokwanisa kudzima zvinyorwa zvaro zvekubvuma mhosva kunenge kwaitwa nemusungwa nekuda kwezvikonzero zvinotevera:

a: Kana dare risina umboo hwekuti musungwa ndiye akapara mhosva kunyangwe zvake ari kubvuma mhosva yacho.

b: Kana dare risingagutsikani kuti musungwa abvuma mhosva chaizvo nekuziva mamiriro akaita nyaya yake.

c: Kana dare richinge ragutsikana kuti musungwa ane mashoko anogutsa ayo ari kuita kuti ange achiramba mhosva yake.

Gweta iri rakapa muenzaniso wedzimwe nyaya zvakare dzakambotongwa makore adarika.

Panyaya yaMawumidze, gweta iri rinoti musungwa uyu ave kuramba mhosva iyi nezvikonzero zvinotevera:

a: Zvaakamiswa mudare akazvimiririra ega akange asingazive mamiriro emhosva yaari kupomerwa.

b: Akange asina mashoko ekuzvimiririra mudare asi mushure mekupangwa mazano ave kuona semunhu asina mhosva.

c: Mushure mekupangwa mazano musungwa ave kuona kuti anokwanisa kuzvimiririra pamutemo zvekuti kana achinge apihwa mukana anovimba kuti dare rinokwanisa kuenderera mberi nekuti zvinogona kudaro kuti musungwa anopara mhosva asi mupfungwa make akange asingafungi kuti ari kupara mhosva nekudaro pakadai munhu anogona kupara mhosva asingazive uye asina chinangwa (mens rea).

Mutongi Takunda Mutetwa akati nyaya iyi ichaendera mberi nekutongwa musi wa22 Nyamavhuvhu.

Mawumidze ari muchizarira.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa30 Chikumi gore rino, James akange ari pabhawa riri paChikwanha apo ainwa doro. Anonzi akazoona Mawumidze achizvitambira hake mhanzi achibva amukumbira kuti vaende kunoita zvebonde.

Vaviri ava vanonzi vakaenda vakanoshinha panzvimbo yakahwanda (brothel) iri nechekuseri kwebhawa.

Mushure Mawumidze anonzi akabhadharwa US$4 nemwana uyu.

Zvisinei, gure rakazobuda apo vakabatikidzwa naConstable Dickson Mutonho naConstable Machisa ndokusungwa. Magwaro ekwachiremba akavheneka mwana uyu akaburitswa mudare seumboo.

“Pekutanga ndakaita bonde nemukadzi uyu ndichishandisa dziviriro uye ndikazoita zvakare ndisina ndichibva ndamubhadhara neUS$4,” anodaro James mumagwaro ake ekumapurisa ayo aakasaina pamberi pemubereki wake.

Achipa umboo mudare, Const Mutonho, anoti vakange vari pabasa ravo re“patrol” kunzvimbo dzinosanganisira Zengeza 4 neChikwanha pamwe naConst Machisa kuma0015hrs apo vakabatikidza vaviri ava vari mushishi mu“brothel”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey