Uncategorized

Obuda honye dzine miswe: ‘Ini ndinoti kuroyiwa’ ‘Zvichida igomarara’

03 Sep, 2020 - 12:09 0 Views
Obuda honye dzine miswe: ‘Ini ndinoti kuroyiwa’  ‘Zvichida igomarara’ Rosemary Johanes

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara mumusha weHatfield, muHarare, anoti any’enga mazironda asingapore kusikarudzi yake ayo anodhubhuka kubuda hurwa nehonye zvinonhuhwa.

Dambudziko raRosemary Johanes (34) rawedzerwa mazuva ano apo kusiri kuwanikwa veruzhinji vanobatsira nekuda kwekuomerwa kwavakaita zvichitevera kumira kwakaita vamwe vanhu mabasa zvichikonzerwa nechirwere cheCovid-19.

Naizvozvo Johanes anoti ave kuda kuziya nenzara nekushaya vanomubatsira nemari yechikafu neyekuendesa kuchipatara.

Johanes uyo kumusha anobva kuEmpress, kuZhombe – anoti ava kusvitsa makore maviri achinetswa nemaronda anodhubhuka hurwa nehonye aya.

“Hakuna vanhu vari kundibatsira nezvekudya chaizvo nemari yekuti nditenge mishonga nekuenda kunoonekwa kuchipatara. Ndatambura veduwe, kana sipo chaiyo handina,” Johanes anoudza Kwayedza.

Anoenderera mberi: “Dambudziko rangu riri pakuti ndine maronda asingapore ayo akangotanga kari kabundu kachibva kabooka, ndokuzony’enga mamwe maronda matanhatu kudzimara razoita zironda guru rimwechete rinobuda honye dzakawanda dzine miswe mirefu.

“Ndaimbobatsirwa nevanhu nemari yekuzvirapisa neyechikafu asi izvozvi nemutemo wekuti vanhu vagare kudzimba, hapana ari kuuya.”

Mudzimai uyu anoti ronda iri rakamboita sekunge rave kupora asi ndokuzonyukira pava pashure.

Dr Enock Mayida

Kunyangwe zvazvo Johanes achifungira kuti dambudziko raainaro riri kukonzerwa nekuroyiwa, vanamazvikokota vezveutano vanogara vachikurudzira vanhu vane matambudziko akadai kuti vaende kunoongororwa namachiremba vakadzidzira basa.

Anoti paanoda kubatsirwa nevamwe pakugezeswa hurwa nehonye idzo pamwe dzinony’ura mukati dzotadza kuonekwa.

Murume wake anoti akamutiza apo akatanga kurwara uye angosara nemwanasikana wake chete nemuzukuru avo vave kuita sevachaziya nenzara.

“Baba vanofanirwa kunge vachindibatsira panguva ino vakanditiza pamwechete nembatya dzangu ndokuenda neshamwarikadzi yavo kusina anoziva.

“Ndinoda mari inokwana US$3 000 iyo iri kudiwa nemachiremba kuti ndirapwe kusanganisira neyemishonga.

“Ndakaenda kuchipatara cheKaranda nguva pfupi yadarika vakanditi zvinoratidza kuti ndine gomarara. Mwedzi wapera ndakaenda kuParirenyatwa nekuMbare Clinic uko ndakanzi mimwe michina yaidiwa yaisashanda ndokudzoka kumba kwangu uko ndangomirira kufa.”

Johanes anoti pamba paanoroja haachakwanisa kuwana mari yerendi.

Votaura pamusoro pezvinokwanisa kunge zviri kunetsa pamurwere uyu, Dr Enock Mayida vanokurudzira Johanes kuti akasike kunoongororwa namachiremba, zvoonekwa kuti dambudziko rake rakamira sei uye obatsirwa nenguva.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanomubata panhare dzinoti 0772 514 874.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey