Opfuviswa nemwana wemurume

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
MUDZIMAI wekuti ari kupfuviswa nemwana wemurume wake achipomerwa kuti ipfambi yemakoko, akazopotera kudare redzimhosva. Audrey Gudoricharima akaendesa Tafadzwa Mundo, kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu. “Mwana uyu anogara achindituka uye haanditereri zvichida nekuti ndaiva mudzimai wepiri kuna baba vake. Asi ini ndinongomubata zvakanaka semwana ndokusaka ndichiri kugara naye kunyangwe baba vacho vakafa.

“Anonditi chipfambi chamaiita nababa vangu chakapera muchaona moto. Izvi anogara achizvitaura kunyanya akandiona ndine munhu wechirume zvisinei kuti ihama here kana kuti munhu ari kundiitira basa,” akadaro Gudoricharima.

“Akatora gadheni rese akati hapana achabvumidzwa kurima imomo zvekuti kutaura kuno ndiye ari kurishandisa ari oga. Imwe nyaya ndeyekuti akaisisa ‘pre-paid meter’ yemagetsi mumba make zvekuti anogara akakiya imomo tosvika pakugara murima pasina magetsi asi tatenga nekuti iye anenge asipo.

“Kazhinji kacho anotobva pamba achiziva kuti magetsi ave kupera zvekutoti akatombosungirwa nyaya iyoyo taitaura kune veZesa,” akadaro Gudoricharima.
Mundo akaramba nyaya yaaipomerwa.

“Zviri kutaurwa namai ava ndezvekunyepa nekuti ini handitaure navo, vari kungoita zvinhu zvekusvibisa zita rangu chete. Pavanoti ndinovatuka kunyepa asi chakangoitika murume wavanoti ihama yavo haasi nekuti anongouya manheru, opinda mumba negonhi rekuseri, odzokera mangwanani.

“Zvaiitika ndichiona ndisingabvunze kusvikira ndazoona kuti zvanyanya ndikazoti kumurume uya asiyane netsika yake nekuti zvinosvibisa zita repamba pedu kwete kuti ndakataura naye zvekutoti mazuva ano haasi kuuya,” akadaro Mundo.

“Nyaya yegadheni, ndingangoti amai ava isimbe nekuti gadheni rakakura saka ndine nzvimbowo yandinoshandisa ndichirima ndichitengesa zvekutoti ndizvo zviri kundiraramisa. Ivo vanoda kutora pandakarima inini hameno kuti vari kurwei neni.

“Nyaya yemagetsi vanondinyepera, ndinogara ndiri pamba. Kana ndisina kuenda kugadheni hapana pavanombotadza kujusa magetsi. Munhu anoda kungoratidza kuvanhu kuti ndiri kuvashungurudza sezvo ndisiri mwana wavo,” akadaro Mundo.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Gudoricharima ndokuti Mundo asamurambidze kushandisa gadheni uye kujusa magetsi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey