Uncategorized

Opinzwa machena nerwaivhi

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Opinzwa machena nerwaivhi Chris Dimatsi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara mumusha weLochnvar, muguta reHarare, anoti “apinda machena” nekutengesa marwaivhi nemhashu kana kuti hwiza kun’anga nemaporofita avo vanozvishandisa mumabasa avo.

Chris Dimatsi (25) anoti ari kutorarama nekutengesa tupukanana twesango utwu, rinova basa raakatanga makore maviri adarika. 

“Ini handitye kubata marwaivhi, ndinotofamba mumasango kuno kuLochnvar, kuWillowvale, kuHighfield, kuHigh Glen, kuMufakose nekuBudiriro ndichitsvaga marwaivhi. Ndakatanga kuita izvi mushure mekunge ndaziva kuti maporofita nen’anga vanozvida.

“Vanosanganisa nemishonga yavo yechivanhu kushandira nekurapa,” anodaro Dimatsi. Murume uyu haasi kubuda pachena kuti anopihwa mari yakawanda zvakadii nen’anga nemaporofita vaanotengesera marwaivhi. 

“Marwaivhi ndinotoita ekuvhima ndichiabata kunyange vamwe vachiatya. Rwaivhi rwunoruma uyewo rwunonzi rwunouraya, asi ini ndine hushamwari nawo. Ndikaabata uye ndine nzvimbo yandinoachengetera ndichipa gogo chiremba vemuno muLochnvar nevamwe vanoada,” anodaro Dimatsi. 

Anoenderera mberi achiti, “Nyanzvi dzemishonga yechivanhu dzinoti kusanduka kunoita ruvara rwerwaivhi uyewo nekugara rwuchivhunura ndizvo zvinoitikawo pakusanduka kweupenyu hwevanhu mukurarama kwavo. Unogona kupihwa mishonga yekupfuma yosanganiswa nerwaivhi rwakapiswa, kotorwa dota racho – zvinhu zvako zvinenge zvotokufambira nguva duku,” anodaro.

Dimatsi anoti tsvina yerwaivhi iyo vanotora munzvimbo yavanoachengetera inoshandiswa pakusimudzira ringava bhizimisi kana kusandura mararamiro emunhu.

Zvisinei, murume uyu haana kutsanangudza kuti kana rwaivhi rwuchikwanisa kusandura makomborero neupenyu hwevanhu, ko sei iye achingoita seakasauka.

“Ndichinzwa nyanzvi idzi dzichitaura, dzinoti kunyangwe vanhu vanoda kusimbiswa rudo rwavo nevadikani vavo, vanoshandisirwa rwaivhi zvakare kusanganisirawo vemabhizimisi vanoda kusimukira nekukasika.”  

Anotiwo anofamba achitsvaga hwizha idzo dzaanoti dzinofarirwa zvikuru nen’anga nemaporofita. 

“Ndichingonzwawo, vanoti kubhururuka kunoita hwiza dzerudzi urwu kunoitawo kuti zvaunoda zvose zvimhanye sezvinoita hwiza. Saka ndinogara ndichifamba kutsvaga hwiza idzi nemarwaivhi zvinondipa kurarama,” anodaro Dimatsi. 

Obvunzwa nenyaya yekuti haangadaro here achibatiswa zvinhu zvinozomukanganisa mune ramangwana, Dimatsi anoti chaanoda bedzi imari.

“Changu ini kuda mari chete, kunyangwe ndikanzi enda unobata nyoka ndinonobata nekuti ndipo panobva kurarama kwangu. Sezvakangofanana nekuti ndinoenda kunoita maricho ndichisakura kana kutimba churu, ndizvo zvimwe chete kuitira kuti mhuri yangu irarame,” anodaro Dimatsi. 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey