Uncategorized

‘PAKUROYA NDIRI SHASHA’ . . . ‘Ndadya zvitunha zvinodarika 70’ . . . Nyoka yangu yave nemakore 30’

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘PAKUROYA NDIRI  SHASHA’ . . . ‘Ndadya zvitunha zvinodarika 70’ . . . Nyoka yangu yave nemakore 30’ Mbuya Selina Mangachena

Kwayedza

CHEMBERE yekwaMangwende, kwaMurehwa, inoti kusvika pari zvino yadya nyama yevanhu vanodarika 70 uye inogara nenyoka shanu – huru yacho yava nemakore 30 – idzo dzinoda vakadzi nevarume “moto chaiwo”.

Mbuya ava vanozviti vane huroyi hwakakomba uhwo hwakatanga mushure mekunge vaenda kune imwe n’anga yekuChipinge ndokusvikopinzwa muziguva maive nezvitunha umo vakakumbira zvose zvavaida.

Mbuya Selina Mangachena (94) – avo vanogara nemumwe wevanakomana vavo Tachivei Samuriwo (62) mubhuku rekwaChoto – vanozviti muroyi mukuru zvekuti wavanogadzira haararame uye vane nyoka yavo yerudzi rweshato iyo yava nemakore makumi matatu nevana vayo vana vane makore makumi maviri.

Onai vhidhiyo iri pazasi:

Vatori venhau vakatombodedera serutsanga rwuri mumvura nekutya apo chembere iyi yakangoti iri pakati pekurondedzera, “Imwe yenyoka dzangu iyo iri paseri pako iyo. Imi hamuione asi itori pedyo nemi iyo. Ndiri kutoiona izvozvi”

Mbuya Selina Mangachena vachikambaira

Mbuya Selina Mangachena vachikambaira

Mbuya Mangachena vanoti ivo nemumwe mwanakomana wavo (zita rake vakatipa) vakaenda kun’anga yekuChipinge vakanopihwa nyoka mbiri nemishonga yekuti vaite mari.

“Takaenda kun’anga inonzi Mukatakanye ndiina (zita remwanakomana) tikanopihwa nyoka mbiri, ini yangu mwanakomana yake. Uyu mwana murume chaiye kwete Tachivei murasta uyu, akapusa. Akaramba kunoromba, chionai irombe nanhasi.

“Takanopinzwa muguva maiva nezvitunha zvevanhu umo takakumbira zvose zvataida ndokudzoka. Iye zvino (zita remwanakomana) agere zvakanaka, uyu wandigere naye pano (Tachivei) akaramba kuenda achingova rombe.

“Uyu murasta anongova rombe nekuti akaramba. Anongochengeta vhudzi, ndiyo mari here?

Tachivei Samuriwo

Tachivei Samuriwo

“Ndakadya nyama dzevanhu vanokwana 70 pamwe chete, ini nemwana wangu,” chembere iyi yakaudza Kwayedza apo dzimwe nguva yaitosekerera ichirondedzera.

Mbuya Mangachena vanoti vakanopihwa hun’anga nemashavi emidzimu yekwaSithole ndokuita hugodobori kwemakore akawanda vachishandisa mweya yevatorwa.

“Mwana wangu wandakaenda naye kun’anga uyu aimbonetsana nemumwe munhu pabasa pake uyo akanogadzirwa achibva afa. N’anga iyi inouraya, haitambe.”

Mbuya Mangachena vanoti vanoenda husiku vachinorara kumakuva evanasikana vavo vatatu vanoti Bertha, Esther naJuliet vaine nyoka dzavo shanu, kusanganisira huru yacho ine makore 30, uko vanodzoka kunze kwave kuyedza.

“Handivanze, ndiri muroyi mukuru chaiye nemwanakomana wangu. Tinopinda mumakuva tichidya nyama dzevanhu, dzimwe nguva iri mbishi kana kuzoigocha. Nyama iyi inonaka seimwe nyama yamunodya imi,” vanodaro.

Vobvunzwa kuti vanovhura nekupinda sei muguva, mbuya ava vanoti vakapihwa mishonga yekuti vakangosvika paguva bedzi, rinobva ravhurika roga.

“Kungosvika bedzi paguva, rinobva ranovhurika topinda mukati munenge makachena semakaiswa magetsi chaiwo. Tinotanga nekudya nyama tirimo, mwenje uye wozodzima woga tabuda. Guva rinosara richivharika roga isu taenda.

“Vandinogara navo havambozviona kubuda nekudzoka kwangu mumba.”

Ambuya ava vanoti havaende nevamwe vanhu kunoroya kunze kwemanakomana wavo, uye vanoshandisa rusero pakufamba vachiita zvekubhururuka.

“Hatifambe netsoka, tinotakurwa nezvinhu zvedu kuenda kwose kwatinoda. Saka harisi dambudziko pakufamba,” vanodaro vachinyemwerera izvo zvinoratidza mavende emazino avasina kutsanangura kuti akabva nei.

Vanodzokorodza vachiti: “Ndiri muroyi chaiye akakwana, kwete wekufungidzira. Wandinoroya haamire.”

Mbuya Mangachena vanoti nyoka dzavo dzinogara nzvimbo dzakasiyana mumusha mavo uye dzinoonekwa naivo nemwanakomana wavakaromba naye bedzi.

Zvekudya vanoti vanodzipa zvinosanganisira hupfu, mazai, sadza, matatya, nyama yevanhu nekunwa ropa revanhu.

Pakasvika Kwayedza pamusha apa, yakaruzirira sezvo Mbuya Mangachena vainzi vainge vachangobva kupihwa mazai, ayo avanonzi vanofarira zvikuru asi vanoadya vachingonanzvira. Apa vanonzi vanenge “vachitofidhawo nyoka dzavo”.

Kunze kwaizvozvo, mbuya ava vanoti nyoka dzavo dzinonwa mbeu yechirume nekuyamwa nhengo dzakavandika dzevanhukadzi nevanhurume uye dzinoshereketa nemwanakomana wavo wekuramba kunoromba, VaTachivei Samuriwo, zvose nevanasikana vake avo vakadzoka kuvarume zvisina tsarukano.

Vanasikana ava vanoti hapana kana murume anovakanda shoko rerudo.

“Nyoka idzi dzinoda madzimai nevarume, saka dzinozviwana zvose pano, vakadzi vacho varipo, nevarume varipo. Ini nemwana wangu tine tuhari tunogara ropa revanhu nemishonga. Ropa iri tinoritora kumakuva,” vanodaro.

Ambuya ava vanoti upfumi hwavo hwemombe dzinodarika 50 hwakangoparara izvo vasina kuziva kuti zvakakonzerwa nei. Iye zvino havana chavainacho zvekuti vave kungochengetwa nemwanakomana.

Mbuya Mangachena vanotizve huroyi hwavo vachiri kuhuda, zvisinei nekuti vazvipira kufumura mabasa avo.

Chembere iyi yakati kuKwayedza kana vachidawo kupfuma, yakasununguka kuvaperekedzwa kuChipinge kuti vanopihwawo nyoka dzavo nemishonga yekuti vaitewo mari. “Kana uchida iwe (kureva munyori uno) unoita mari neupfumi hwako nguva duku-duku, wofamba neyako motokari kwete yebasa yauinayo iyi. Unodzoka riini ndotanga ndaenda nemi kuna (zita remwanakomana wavo) tonokuratidzai patsime rezvidhoma kuChipinge,” vanodaro.

Mbuya Mangachena vanoenderera mberi vachiti: “Huroyi inhaka mwanangu, unoita mari yako iri pachena pasina dikita. Chinodiwa chete kutevedza mhiko dzacho. N’anga yekuChipinge iyi inogona.”

Mbuya Mangachena vanoti kana vafa zvinhu zvavo zvinosara nemumwe wevazukuru vavo uyo wavakasarudza kuzopa nhaka asi havana kumudoma nezita.

Mhuri inogara nambuya ava, iyo inosanganisira mwanakomana wavo nemudzimai wake nevana, vanoti havana rugare nekuda hwehuroyi hwavo uhwo hwakonzera matambudziko muupenyu hwavo.

VaTachivei Samuriwo, vanova wechishanu pavana vaMbuya Mangachena vasere, avo vasara vana chete sezvo vamwe vakafa, vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwehuroyi hwaamai vavo.

“Amai vangu vanodura voga kuti muroyi uye izvi tinoona nematambudziko atiinawo semhuri. Ini ndiri mutyairi wemarori, ndine Class 2 kubva mugore ra1977. Amai vakasiyana nababa vedu, VaTapambwa Samuriwo, avo vakazoshaika mugore ra1991. Handibate kana mari pandiri pano kana kuwana basa chaiko. Ndikariwana ndinotandaniswa sembwa pasina chandatadza, izvozvi kwandakasiya basa mari yangu iri kurambirwa. Tikafamba tinobata amai,” vanodaro.

Vanoti kana zviri zvepabonde nemudzimai wavo “hapana chandingati ndichiri murume”. Ndatova negore ndisiri chinhu kumudzimai wangu, tangova madzimai tose. Zvinonzi nyoka yaamai vangu yechikadzi ndiyo yandinoita mudzimai ndobva ndashaya shungu nemudzimai wangu,” vanodaro. Murume uyu anoti amai vake vanotaura pachena kuti vakaromba.

Mashoko avo anotsinhirwa nemudzimai wavo, Mai Acqueline Chifamba (56), vachiti vamwene vavo vanodura voga kuti muroyi.

“Vanoti vanopinda mumakuva vachidya nyama dzevanhu, vanototaura vachiti ‘nyoka dzangu idzi’ asi isu tisingadzione,” vanodaro. Vanotizve vanoona mihwezvwa yenyoka yakawanda pamusha pavo asi nyoka dzacho havadzione.

“Mari pano pamusha inongoshaika, inonzi inotorwa nezvinhu zvavamwene vangu ava,” vanodaro.

Pamba apa panonzi pane vana vashanu, vose vanongova marombe sezvo vasingawane mabasa uye vanasikana vepo vanongorambwa nevarume. Vanasikana ava vanoti Juliet Samuriwo Snr (36), Jesca Samuriwo (27) naJuliet Samuriwo Jnr (33) uye vanonzi vanorota vachishinha nevarume, vamwe vacho vavanoziva asi vakashaika nevavasingazive. Dzimwe nguva dzinenge dziri nyoka.

“Mumwe chete wedu ndiye anomboenda kuvarume achidzoka, akamboroorwa akarambwa achinzi ainhuwa setsvina. Pari zvino ariko kumurume uko akaitwa operesheni yenhumbu yaiva yaitira mwana mumachubhu. Ini handina kumbobvira ndaita imba, mudiki wedu ari kuchikoro,” anodaro Juliet Jnr.

Anotiwo akamboerekana angoshaya $1 000 uye kuti vanorota vachinanzviwa nenyoka.

VaTachivei Samuriwo vanoti vakayambirwa neimwe n’anga kuti vasiyane nekupa amai vavo mazai akafashaidzwa sezvo zvichinzi vanenge vachitopa nyoka dzavo kuti dzidye. Vanoti mudzimai wavo anogara achirumwa nemarize nguva nenguva.

Pamusoro pezvo, vanoti musha wavo unogara uchirohwa nemheni.

Zvichakadai, Mbuya Mangachena nemhuri yavo vanonzi svondo rino, mushure mekunge Kwayedza yavashanyira kumusha kwavo kwaMurehwa, vakazonotsvaga kubatsirwa kuimwe chechi iri muHarare. Pakafa mumwe mwanasikana wavo, mbuya ava vanonzi vakazombowanikidzwa vari kumakuva.

Mwanakomana wavo VaTachivei Samuriwo anotsinhira nyaya iyi.

“Hanzvadzi yangu yafa uye tamuviga, amai vakazowanikwa vari kumusoro kweguva vachidira ropa rehuku paguva iri husiku. Pavakabvunzwa havana kudavira uye vanhu vakavaona vakati vakatya nazvo vakavatiza,” vanodaro VaSamuriwo.

Kwayedza ine tsamba yakanyorwa nevemhuri iyi musi wa28 Nyamavhuvhu 2005 vachirondedzera pamwe nekuda kuti huroyi hwechembere iyi hubviswe umo mavanoti vari kusangana nematambudziko asingapere.

Kune vanokwanisa kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare dzinoti 0773 057 445, 0775 206 268 kana 0782 698 096.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey