Pastor asungwa aine cocaine

19 Dec, 2022 - 17:12 0 Views
Pastor asungwa aine cocaine Victoria Falls International Airport

Kwayedza

Fairness Moyana ari kuHWANGE

MUFUNDISI wekuNigeria asungwa panhandare yendege yeVictoria Falls International Airport mushure mekuwanikwa aine zvinodhaka (cocaine) ine huremu hunodarika makgs maviri ichikosha $126 752 000 iyo yange yakandonyerwa munguwani nemumabhachi zviri mubhegi.

Musungwa uyu ndiDesmond Onyii Onuoha (46) weRuwa Paschoal 484 590 Paulo-Brazil kana kuti panhamba 22 Samuel Eknola Street kuLagos, kuNigeria.

Onuoha akasungwa mushure mekunge matikitivha anyeverwa kuti aive nezvinodhaka zvisingatenderwe zvikaita kuti vamuseche ndokumuwana aine cocaine.

Akagomiswa pamberi pemutongi wedare VaCollet Ncube achipomerwa mhosva yekutengesa zvinodhaka pamwe nekuwanikwa aine zvinodhaka izvi zvichitevera kusungwa kwaakaitwa nemusi wa23 Gumiguru.

Onuoha, uyo ari kumiririrwa naMai Khumalo vekukambani yeNcube and Partners, anoramba mhosva iyi achiti haazive zvaive mubhegi rakawanikwa riine zvinodhaka izvi.

Anoti bhegi iri akaripihwa nemumwe wevatendi vake kuti azoripe mumwe munhu paVictoria Falls International Airport.

Achitaura mudare, Onuoha anoti akaroora mudzimai wemuZimbabwe uye akange auya munyika kuzomubhadharira mari yeroora.

Victoria Falls International Airport

“Ini ndiri mufundisi kuNigeria saka ndakazivisa kuchechi kuti ndiri kuenda kuZimbabwe kunoona amai vemudzimai wangu kuti ndibhadhare mari yeroora kuBulawayo. Ndakaroorana naye zviri pamutemo munaKukadzi gore rino.

“Mumwe mutendi wekukereke kwangu, akabva auya kwandiri ndokundikumbira kuti ndiendese bhegi iri kune mumwe munhu paVictoria Falls Airport sezvo ndakanga ndaratidza kuti ndaizopfuura neko ndichiona shamwari yangu. Ini handina chandinoziva nezvebhegi, kunyanya zvirimo secocaine iri kunzi irimo. Ndakashamiswa apo mapurisa akasecha bhegi ndokuwana zvinodhaka izvi,” anodaro Onuoha.

Gwaro remuchato rakaburitswa negweta raOnuoha rakarambwa kuti rimire seumboo hwemuchato uyu mudare sezvo muchuchisi VaVusumizi Mangena vachiti havana kunge varipihwa pachine nguva.

Kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi munguva pfupi inotevera.

Vashanyi vane chitsama vanobva kunze vari kusungwa panhandare yeVictoria Falls International Airport vachiedza kupinza zvinodhaka munyika muno izvo zvisingatenderwe nemutemo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey