Uncategorized

Pfambi dzopfeka magemenzi

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Pfambi dzopfeka magemenzi

Kwayedza

Mapupu akakecha ‘mupositori’

VAKADZI vanoita mabasa echipfambi mudhorobha reChiredzi vave kukwezva varume nekufamba husiku vakapfeka magemenzi kana dzimwewo yunifomu dzekumachechi zvinoita kuti vamwe varume vadyire vachifunga kuti vanamati vanenge vachibva kumachechi.Kwayedza yaiva mudhorobha iri svondo rapera ndokuenda pabhawa rine mbiri ikoko, reChigarapasi, kuTshovani munguva dzemanheru.

Pabhawa iri paive nevasikana nevakadzi vaive vakapfeka magemenzi machena vachiita sevaibva kuchechi.

Musi uyu, mubhawa reChigarapasi maiva nechikwata chebhendi chekuHarare uye vanhukadzi vaive vakapfeka magemenzi vaive vakawanda mumigwagwa yeko.

Kwayedza yakakwanisa kutaura nevamwe vevakadzi vatatu vaiva vachifamba nemugwagwa wakadziva kumadokero kwebhawa iri nenguva dza10 husiku avo vakakwaziswa ndokupindura zvakanaka.

Mushure mekubvunzwa kwavaibva, vanoti vaibva kugungano remapositori kuMukwasine, uko vakanga vaswera vari uye vakanga vave kudzokera kudzimba.

Mutori wenhau uno akazokumbira mumwe wemadzimai aya kuti ambotsauka pane vamwe kuti vataure vose izvo akabvuma, vamwe vake ndokuramba vachifamba.

Mushure mekutaurirwa nyaya yerudo nekubvunzwa zita rake, mukadzi wechidiki uyu akati anonzi Maggie uye anoroja munzvimbo iyi.

Mutori wenhau uno akamukanda shoko rerudo ndokubva mukadzi ainge akapfeka magemenzi uyu abvuma. Akati aida US$10 yekuti asasane nemunyori uno kwehusiku hwose uye US$2 kwenguva pfupi.

“Ndinogara ndoga, kana muchida toenda kumba kwangu kana kuenda kwenyu. Asi hamugare muno?

“Munoratidza kuti muri vekuHarare imi, mune mari zhinji. Munongondipawo yakawanda kune zhara kuno. Asi mave kundikanganisa muteuro wangu wandapihwa kuchechi!

“Ini handidi kudanana zvenguva diki, matova murume wangu imi. Chirongai tiende, vamwe vangu ndichavawana vatoenda, ndokunge vawana zvavari kuda,” akadaro Maggie, ipapo akapfeka gemenzi sezvinoitwa nemadzimai vechipositori.

Paaitaurwa naye, mukadzi uyu aiita seanonyara, asingade kusanganidzana chiso chake nechangu.

Mutori wenhau uno paakaona kuti ave panguva yakaoma, akazokumbira nhamba dzenhare dzemukadzi uyu achiti aizomufonera sezvo aida kumbotanga atarisa kuti vamwe vake vaiva kupi.

“Musazondinyeperaka, kurara ndakasvinura ndichiti murume ari kuuya. Kutozvikwidza BP imi mozorega kuuya nekuti ndaneta nekuchechi. Chindipai nhamba yenyu kana manonoka ndozokufonerai ini,” akadaro Maggie asingade kuzoruza “mhene” yake.

Mutori wenhau uno akapa mukadzi uyu nhamba dzenhare, vaviri ndokuparadzana. Asi rakazove basa apo mukadzi uyu aingofona husiku munyori uno asingadavire, kutozodzima nhare nyaya yacho yakora muto. Kwayedza yakazopinda mubhawa reChigarapasi umo maive makazara vasikana vechidiki nevakadzi vakuru, vamwe vakamirira kunze kwebhawa.

Vatori venhau vakatandara mubhawa iri apo vakatsvetswa nemumwezve mukadzi wechidiki.

“Nhaimi hamutionewo here? Munonwa quart vamwe vasina? Utsinye rudzii hwakadai? Muchanorangwa naMwari, kana dhiringi zvaro mukoma, izhara!” akadaro mumwe mukadzi ainge akapfeka mbatya chena asi dzisina kureba semagemenzi.

Paakatengerwa chinwiwa nemumwe wechikwata cheKwayedza, akangoti: “Maita basa, saka zvatokwana? Asi handisi mukadzi akawana nhaimi? Kuno tiri muzhara, musadaro veduwe!

VaJonathan Shonhiwa, vekuTshovani, vekuChiredzi kwakare, uye vari chiremba wechivanhu, vanoti kune vanhu vakawanda vanoita zvechipfambi avo vanoenda kwavari vachida kubatsirwa apo vanenge vorwara nehosha dzepabonde.

“Zvirwere zvenjovhera kuno zvanyanya nekuda kwechipfambi. Vana vakomana nevasikana vapera kuwora nezvirwere. Izvi zvinoratidza kuti vamwe havadzivirire pavanosasana.

“Ini ndinongovarapa nechikwereti vozondipa mari yangu zvishoma nezvishoma,” vanodaro.

Vanoti vamwe vanobhadharawo nehuku kana zvimwe zvavainazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey