Pfuti yehushe yorwarisa mhuri

03 Nov, 2022 - 12:11 0 Views
Pfuti yehushe yorwarisa mhuri Mhomho yevanhu ichiona kuchenhurwa kwemusha waMagwanyata

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mubhuku raMarwadzo, kwaMambo Mutambara, kuChimanimani inoti yatambudzwa nepfuti yehushe iyo yaisimbobikirwa doro nemadzitateguru yavanoti yava kupfuka ngozi nekukonzera matambudziko mukurarama kwavo.

Pfuti yemhando “yechigidi” kana kuti “yemutsindirwa” iyi inonzi yaishandiswa pakurwisa varungu.

Inonzi yakazotadza kubatwa zvakanaka pakutevedzwa kwechivanhu chavo zvikazopa kuti ipfuke uye yaiva yamambo wavo wekutanga makore ekuma1880.

Mhuri yekwaMagwanyata ndiyo ine dambudziko repfuti yava kupfuka kunyangwe ichinzi ichiriko kumba kwevamwe vemhuri iyi uko kwairi kuchengetwa.

Nyaya yepfuti iyi yava kudare raMambo Mutambara zvichitevera kubatwa nemweya wengozi kuri kuitwa Rismore Magwanyata (35) anova mwana waVaJeremiah Magwanyata (52), mumwe wemadzibaba vasara mumhuri iyi.

Zvichitevera kubuda kwemweya watateguru wemhuri iyi ainzi Kambwakatema uyo uri kusvika panaRismore Magwanyata, dare raMambo Mutambara rakaziviswa nezvenyaya iyi rikazotsvaga muporofita anonzi Madzibaba Shepherd Danda kuti abatsire mhuri iyi.

Rismore, uyo ari kurwara uyewo nekubudirwa nemweya uyu, anonzi akanopotera kudare raMambo Mutambara kuti dambudziko iri rigadziriswe.

Mhuri iyi svondo radarika yakanoungana pamusha paVaJeremiah Magwanyata vachibatsirwa naMadzibaba Danda apo pane yainzi nyanga yakazobviswa pamusoro pemba ichinzi kupanduka kwakanga kwaita pfuti iyi nekuda kwekushereketerwa uko yakaitwa nevamwe vedzinza vachida kuzvisimbisa nekutsvaga hukuru.

Rismore Magwanyata

VaJeremiah Magwanyata vanoti pfuti iyi yaigashidzanwa mawoko kumadzibaba avo uye kana anenge ainayo akafa, yoendeswa kune mumwe mukuru panguva iyoyo.

“Kubva makore iwayo ekuma1880, tateguru wedu aiva mambo akapihwa pfuti yehushe iyi ainzi Mwarozva. Paakashaika, yakatanga kutevera kunanababa vakuru apo yakanga yava kubikirwa doro semudzimu kusvikira zvinonzi kune vamwe vakazenge vava kuishereketera kuti vaite masimba.

“Baba vangu vakanga vaipihwa, vakazoshaikawo ikabva yapihwa kwandiri kuma1990 kuti ndiichengete ndichimirira kuzoipa kune vamwe babamukuru vakazoshaika ikasara yakachengetwa nevana vavo,” vanodaro VaJeremiah Magwanyata.

VaJeremiah Magwanyata

VaJeremiah Magwanyata

Vanoti mwanakomana wavo mukuru, Rismore, akazotanga kurwara negumbo pakazoguma pava kubuda mweya waKambwakatema uchitaura kuti pfuti yedzinza yaiva yakashereketerwa iyi inonzi ndiyo iri kumurwarisa.

“Kunze kweuyo anorwara, pfuti iyi inonzi iri kukonzeresa matambudziko akasiyana kumhuri yose, kwatinofamba tinozvibata.

Zvino Mambo Mutambara vakazotipa muporofita ari pano nhasi kuti atibatsire kupedza dambudziko repfuti iyi.

“Mwana wangu Rismore anonditi ndinoroya, handizive kuti zvinobva kupi,” vanodaro VaJeremiah Magwanyata.

VaChenjerai Gonzo (45) vanova gurukota mudare raMambo Mutambara vaivawo pagungano iri vachiona mafambisirwo aiitwa basa rekuchenurwa kwemusha uyu naMadzibaba Danda.

Chenjerai Gonzo

Sabhuku Samson Muzuva Marwadzo (72) vaivepowo pakati peruzhinji pachiitiko ichi.

“Ndangoshevedzwa kuti huyai kune zviriko. Tatozoona nyaya yacho ndasvika pano. Nhume yamambo iri pano nemuporofita akatumwa namambo zvakare saka tiri kungoonawo zviri kuitwa,” vanodaro sabhuku ava.

Rismore anotsinhira nyaya iyi achiti ndiye ari kubatwa nemweya waKambwakatema mushure mekurwara negumbo.

Mweya unonzi uri kubuda pamurume uyu wakabva wasvika Kwayedza iripo uchikarara, dzimwe nguva uchirira sendimi dzemaporofita.

Mweya uyu wakazoenda apo Rismore akazotanga kutsanangura mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Sekuru vangu vashaika, pfuti yedzinza iyi yakazopihwa kuna baba vangu vakazoiendesa kumwe, zvino nyaya iyi inoda kugadziriswa,” anodaro Rismore.

Pagungano remhuri iyi paivawo naMai Georgina Magwanyata (42) naMai Easther Magwanyata (46) avo vanotsinhira.

Madzibaba Danda akatenderera musha uyu achipinda mudzimba dzose, akazoguma akwira mukati memba uyewo nekunze ndokuzobvisa nyanga yaaiti iri kukonzerawo matambudziko mumhuri iyi.

Musha wekwaMagwanyata

“Ndicharamba ndichishanda nemhuri iyi kusvikira dambudziko iri rapera,” anodaro Madzibaba Danda.

Nyanga iyi yakazochekwa nebanga mukati mayo mukawanikwa muine mari yendarama yakare neropa nyoro zvikaita kuti mhuri iyi ipokane nezvakaitwa nemuporofita uyu.

Nyanga

Vazhinji vemhuri iyi vakataurwa navo muporofita uyu apedza kubata nyanga iyi vanoti havana kugutsikana nezvaakaita.

Zvisinei, zvinonzi zvakaitika pakuchenurwa kwemusha zvichaziviswa mudare raMambo Mutambara kwoonekwa kuti nyaya iyi yopedzwa sei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey