PSL makanya — Mhofu

16 Jun, 2023 - 09:06 0 Views
PSL makanya — Mhofu Sunday Chidzambwa

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE murairidzi wemaWarriors, Sunday “Mhofu” Chidzambwa, anoti kumiswa kwakaitwa mitambo yePremier Soccer League nekuda kwekuti nhandare dzenhabvu ishoma kunorakidza kuti Zimbabwe hakuna kwairi kuenda panyaya dzemutambo uyu.

Svondo radarika, PSL yakazivisa kuti mitambo yese ichambomiswa kuitira kuti nhandare dzakasiyana, kusanganisira National Sports Stadium iyo inonzi haina mvura pari zvino, dzipedze kuvandudzwa.

Nhabvu ichatanga zvekare nemusi wa1 Chikunguru uye PSL inoti inotarisira kuti nhandare dzinoti Rufaro Stadium neNyamhunga Stadium dzinge dzapedza kuvandudzwa dzigotambirwa mitambo .

Mwaka uno, nhandare mbiri idzi dzange dzisiri kutambirwa nhabvu sezvo dzakaonekwa kuti hadzisi padanho rinotenderwa kuti dzigotambirwa mitambo yePSL. Kubva mwaka wePSL wegore rino watanga, zvikwata zvinosanganisira Dynamos, CAPS United, Simba Bhora, Herentals, Yadah Stars, Black Rhinos neZPC Kariba zvange zvichishandisa nhandare yeNSS kutambira mitambo yazvo.

Izvi zvange zvichiona pasvondo pachitambwa mitambo mina munhandare iyi kubva musi weChishanu kusvika Muvhuro. Mhofu anoti izvi zvimwe zviri kukanganisa nhandare yeNSS nekuti haifanirwe kutambirwa mitambo yakawanda.

“Handisati ndakambozviona kuti nhandare inotambirwa mitambo yakawanda kudaro, zvinouraya huswa (lawn) hwemunhandare huya hunenge huchitambirwa nhabvu.

“Izvezvi mukatarisa huswa hwemuNSS hwatochinja ruvara nekuti hwaneta nekungoshandiswa, hunoda kuzorodzwawo.

“Nhandare imwe chete hazviite kuti itambirwe mitambo inodarika mina pasvondo, yakawandisa inouraya nhandare. Ndiko saka nhabvu yakasvika pakumiswa manje nekuti NSS yanetawo, huswa huye hwafa manje,” anodaro.

Mhofu anoti PSL yaisafanira kumisa mitambo pachitariswa kuti nyika yakatemerwa zvirango zvenhabvu neFIFA neCAF.

“Ndinoona hangu sekuti bhora raisafanirwa kumiswa nekuti vatsigiri vange vatanga kudzoka kunhabvu kuzoona zvikwata zvavo zvavanoda zvichitamba.

“Dai vakasiya bhora richienderera mberi. Zvino tinoti uku takapihwa zvirango neCAF neFIFA apa manje tazvipa tega zvirango nekuti tamisa bhora tega pasina mumwe munhu apindira. Hapana chikonzero chikuru chekumisa bhora apa, kudai tasiya bhora raenderera mberi richitambwa ukuwo basa rekuvandudza nhandare richiitwa nekune rimwe divi,” anodaro Mhofu.

Mhofu mumwe wevatambi vakatamba nhabvu zvinonwisa mvura uye akazorairidza mutambo uyu zvekare.

Panguva yake ari mutambi uye murairidzi, shasha iyi yakashandisa nhandare dzine mukurumbira dzinosanganisira Rufaro Stadium, Gwanzura Stadium, Chibuku Stadium, Motor Action Sports Club, Ascot Stadium nedzimwe idzo dzave kusatambirwa nhabvu.

Anoti nhandare idzi ngadzivandudzwe dzitambirwe mitambo yePSL zvekare.

“Kune nhandare dzakawanda chaizvo dzaitambirwa nhabvu kare dzine mukurumbira dzisiri kushandiswa izvezvi, ngadzivandudzwe dzigotanga kutambirwa nhabvu paite nhandare dzakawanda dzekushandisa.

“Nhabvu inofanirwa kusvika kuvanhu saka anaGwanzura, Chibuku, Motor Action neAscot zvikavhurwa vagari venzvimbo idzi vanobatsirikawo kuti vanongofamba kuenda kunhandare kunoona bhora riri pedyo navo,” anodaro.

Zvakadai, zvichitevera kupera kwakaita nhabvu yekuEurope masvondo adarika, svondo rino nyika dzekuEurope nedzemuAfrica dzichatamba mitambo yakasiyana kusanganisira yehushamwari.

Mhofu anoti nguva yakwana yekuti nyaya yenhabvu yemuno ichigadziriswa.

“Nguva yareba nyaya iyi ichingotenderera saka tokumbira kuti vese vane chekuita nenyaya iyi vachiwirirana kuitira kuti nhabvu yedu idzoke tichidzoswa mumhuri menhabvu,” anodaro Mhofu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey