psl yorusimudzira

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MITAMBO yeCastle Lager Premier Soccer League iri kusimudzira svondo rino sezvo yakange yambomiswa vhiki radarika nekuda kwemutambo weZimbabwe National Army (ZNA) Charity Shield uyo wakaona Highlanders ichikunda Harare City 4-2 kumapena mushure mekunge wapera uri mangange 0-0. Zvikwata zvine chitsama zviri kurwira kubvuta mukombe wePSL kune Chicken Inn iyo yaukahwina gore radarika ichirairidzwa naJoey Antipas. Kwasara mitambo 15 kuti ligi rePSL richipera uye kutanga svondo rino pazvikwata zvose zviri pamusoro zvinoti FC Platinum, Highlanders, CAPS United neDynamos, chinongoita munyama wekukundwa chinobva chasara kumashure.

Zvakadaro, mumitambo iriko svondo rino nzira dzose dzichananga kuNational Sports Stadium uko CAPS United ichisangana neHighlanders FC.

CAPS United vs Highlanders

Zvikwata zviviri izvi zvakasangana masvondo maviri adarika kuBabourfields uko Kepe-kepe yakaradzikwa 1-0 mushure mekunge Bruce Kangwa anwisa. Mutambo uyu wakaona Leonard Tsipa achipihwa kadhi dzvuku ndokuburitswa zvichitevera kurova kwaakaita nemusoro mutambi weBosso, Peter Muduhwa.

Chikwata chaLloyd Chitembwe chinofanirwa kugadzirisa zvakaitika masvondo adarika kuti chirambe chichifemera mugotsi meFC Platinum neBosso.

ZPC Kariba vs Dynamos

Masvondo maviri adarika, mutambo wezvikwata zviviri waitarisirwa kunakidza nekuda kwezvikonzero zvakasiyana asi zvakaramba sezvo wakapera uri mangange 0-0.

Uyu ndiwo waive mutambo wekutanga Denver ‘Mundikumbuke’ Mukamba achitambira DeMbare zvichitevera kudzoka kwaakaita kubva kuSouth Africa.

Svondo rino murairidzi weZPC Kariba,  Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa, achange ari pamusha kuNyamhunga Stadium apo achasangana neDeMbare zvakare.

Chicken Inn vs Harare City

Harare City ichambofamba rwendo runo sezvo iri kudzokera zvakare kuBulawayo uko ichasangana neChicken Inn. Harare City chishuwo chayo mwaka uno kupedza iri pakati pezvikwata zvitatu zvepamusoro muPSL asi inenge iri kuremerwa nebhora sezvo mwaka wayo usiri kunyatsokufamba zvinogutsa.

Chikwata chaMoses Chunga ichi chinofanirwa kutosunga dzisimbe mumitambo yacho yasara kana chichida kupedza chiri pakati pezvikwata zvitatu zvepamusoro.

Mitambo: Mugovera

Chicken Inn FC vs Harare City FC White City Stadium 1500hrs

How Mine FC Vs Border Strikers FC Luveve Stadium 1500hrs

ZPC Kariba FC Vs Dynamos FC Nyamhunga Stadium 1500hrs

Mutare City Rovers FC Vs Chapungu FC Sakubva Stadium 1500hrs SS

Svondo

Bulawayo City FC vs FC Platinum Luveve Stadium 1500hrs

Hwange FC vs Tsholotsho FC Colliery Stadium 1500hrs

Triangle United FC vs Ngezi Platinum Stars FC Gibbo Stadium 1500hrs

CAPS United FC vs Highlanders FC National Sports Stadium 1600hrs

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey