PSL yoshora mhirizhonga munhabvu

11 Sep, 2023 - 15:09 0 Views
PSL yoshora mhirizhonga munhabvu Mhirizhonga yakaitika kuBabourfields, kuBulawayo

Kwayedza

Abel Ndooka

PREMIER Soccer League (PSL) iri kudya magaka mambishi zvichitevera mhirizhonga yakaitika kuBabourfields, kuBulawayo nezuro apo vatsigiri veHighlanders vakapinda munhandare ndokutanga kukanda matombo vachirwisana nemapurisa vachinyunyuta kuti chikwata chavo change chanyimwa pena.

Mutambo weCastle Premier Soccer League uyu waive pakati peDynamos FC neHighlanders wakazomiswa nekuda kwemhirizhonga yakatangiswa nevatsigiri veHighlanders watambwa maminitsi 37 apo DeMbare yaitungamira 2-0.

Mhirizhonga iyi yakaona vamwe vatsigiri venhabvu vachikuvara zvakaipisisa.

Muchinyorwa, sachigaro wePSL – Farai Jere – anoti PSL inoshora nyaya dzemhizhonga dzinoitika munhabvu uye vari kuongorora chiitiko chekuBulawayo.

“Premier Soccer League inoshora zvikuru nyaya yemhirizhonga yakaitika pamutambo weDynamos neHighlanders kuBabourfields Stadium nemusi weSvondo, 10 Gunyana 2023.

“Takamirira kunyorerwa kunzwa kuti zvakafamba sei naMatch Commissioner pamwe chete nemuridzi wepembe wemutambo uyu tisati tatanga kutora matanho ekuranga. Tinoda kuzivisa kuti mhirizhonga nehunhubu hazvina nzvimbo munhabvu yedu uye tinotarisira kuti vanotyora mutemo vagorangwa,” anodaro Jere.

Mhirizhonga yakaitika kuBabourfields, kuBulawayo

Anoti nhabvu hainei nezvematongerwo enyika asi iripo pakubatanidza vanhu vanobva munharaunda dzakasiyana.

“PSL isangano risinei nezvematongerwo enyika, asi kuti kusimudzira nhabvu nekubatanidza nharaunda dzakasiyana. Tinoshora nhubu dzinoda kushandisa kuungana munhabvu kuita zvisirizvo zvehumbimbindoga nekupatsanura vanhu.

“Tinokurudzira zvikwata kuti zvidzidzise vatsigiri vazvo mitemo yenhabvu.

“Tinotora mukana uyu kukumbira ruregerero kuSports and Recreation Commission yakamirira Hurumende yeZimbabwe, ZIFA, vakotsveri, vatsigiri nevamwe vane chekuita nenhabvu,” anodaro Jere.

Mhirizhonga yakaitika kuBabourfields, kuBulawayo

Zvakadaro, Highlanders inoti yakashushikana nemhirizhonga yakaitika pamutambo uyu.

“SeHighlanders Football Club, takashushikana zvikuru nemhirizhonga yakakonzera kuti mutambo wedu neDynamos kuBabourfields ugosiirwa panzira.

“Chikwata chedu chinoshora zvikuru mhirizhonga iyi iyo inosvibisa nhabvu yemuno,” inodaro Highlanders.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey