‘Rimai mbesa dzechivanhu’

08 Aug, 2023 - 16:08 0 Views
‘Rimai mbesa dzechivanhu’ Zviyo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reParticipatory Ecological Land Use Management (PELUM) Zimbabwe rokurudzira kurimwa nekudyiwa kwechikafu chechivanhu icho chinonzi chakakosha zvakanyanya panyaya yekuvaka muviri nekutanda zvirwere.

Ongororo yakaitwa mugore ra2014 maringe nechikafu chinorimwa munyika muno, zvakaonekwa kuti pane mikana yakakurisisa yekubudirira mukurima chikafu chechivanhu chinobva kuvarimi vadiki.

Zimbabwe yakaonekwa iri pamberi mukutsigira kurimwa uye kudyiwa kwechikafu chechivanhu pasi pechirongwa cheAfrican Food under the Alliance for Food Sovereignty in Africa (AFSA) icho chakakwezva vashanyi vakabva kunyika gumi nenhatu dzinosanganisira Zambia, Mozambique, Uganda, Kenya, Ethiopia neSenegal.

Vachitaura pachirongwa cheMy Food is African (MFA) Campaign icho chaitungamirirwa nevePELUM vakabatana neAFSA chakaitirwa muHarare munguva pfupi yadarika, Mai Bertha Nherera vanova murongi kuMFA vakapembedza zvikuru mabasa anoitwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Dr Auxilia Mnangagwa ekusimudzira kudyiwa kwechikafu chechivanhu.

“Zimbabwe iri pamberi panhau yekurimwa kwechikafu chechivanhu nekudyiwa kwacho neveruzhinji nekuti tine vanhu vari muhutungamiriri hwepamusoro-soro vari kukotsvera zvirongwa izvi kuti zvipinde mumatunhu ese uye vanhu vakawanda vari kuzvigamuchira,” vanodaro Mai Nherera.

Vanoti bazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa riri kutsigira zvikuru kurimwa kwechikafu chechivanhu chakadai semapfunde, mhunga, zviyo kana kuti rukweza, nyemba, nyimo nenzungu.

“Vanhu vanofanira kukoshesa kudya kwese kwechivanhu nekuti hakuna mafuta akawanda uye hakukonzeri kunyuka kwezvirwere zvakadai seshuga, mwoyo, Bp nezvimwe zvinokonzerwa nekuwanda kwemafuta mumuviri. Ngatichengetedzei zviwanikwa zvedu zvinosanganisira madora, kurima miriwo yemashizha nekugadzira dovi tichiisa mubota nemumiriwo yedu.

“Zvese izvi zvinotirerutsira kunyangwe panhau dzekudhurirwa mukutenga mafuta nekumwe kudya muzvitoro. Upfu hwezviyo nehwemhunga hunobatsira mujuderedza zvirwere zveshuga,” vanodaro.

Muzvare Rosemary Chikarakara vanova chamangwiza wesangano reConsumer Council of Zimbabwe vanokurudzira varimi vadiki kuti vavanudze zvirimwa zvavo zvechivanhu nenzira inokwezva vatengi, zvikuru sei panhau yekuzviisa mumapaketi nemuzvinyora.

VaCharles Dhewa chamangwiza wesangano reKnowledge Transfer Africa vanoti vanhu vanofanira kuva nesarudzo yechikafu chakavandudzwa chavanodya.

“Somuenzaniso, varimi vanogona kugadzira makeke embambaira, pizza yezviyo nemanhanga, pakati pezvimwe zvichitofarirwa nevatengi. Vanhu vazhinji vakabiwa pfungwa dzavo nechirungu ndiko kusaka muri kuona kuwanda kwezvitoro zvinotengesa chikafu chechirungu chakadai semachipisi, pizza nezvimwe pasina kana chimwe chete chakaiswa chechivanhu.

“Izvi zviri kumutsa matambudziko makuru ezvirwere munyika. Zvakatoiswa pamutemo neHurumende kuti makambani anogadzira chikafu ange achichivandudza kuti chive neutano nekusanganisa nekudya kwechivanhu (Food Fortification Policy) uye zviri kutevedzwa,” vanodaro.

Chirongwa cheMy Food is African chinokotsverwa nesangano rePELLUM Zimbabwe richitsigirwa neAFSA nevamwe vatsigiri donzvo riri rekukusha ruzivo maringe nekukosha kwechikafu chechivanhu nekuchengetedzwa kwembesa dzezvirimwa zvechivanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey