Roja raponderwa mari yerendi

08 Oct, 2022 - 13:10 0 Views
Roja raponderwa mari yerendi Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuMberengwa anonzi akapondwa nemumwe waairoja naye pamba pamwe chete mushure mekunge amubvunza mari yerendi zvichitevera kupihwa kwaaive aitwa masimba nemuridzi wemba kuti ndiye anofanirwa kuona nezvepo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti izvi zvakaitika kuNorthwood, kuMberengwa nemusi wa27 Gunyana nenguva dza8 manheru.

“Akafa uyu ainzi Luckson Gumbo (38) wekuNorthwood kuMberengwa uyo aigara pamba pamwe chete naEdison Zhou (37), vose vaiva maroja. Luckson Gumbo ndiye aiva apihwa basa rekutora mari kune mamwe maroja kana mwedzi wapera.

“Luckson Gumbo akaenda kuna Edison Zhou ndokumubvunza mari yerendi uyo akabva aburitsa simbi yakapinza ndokubaya Luckson Gumbo kaviri nayo achibva atiza pamba apa,” vanodaro Insp Mahoko.

Gumbo anonzi akazotakurwa nevanhu vaidarika vamuwana arere pasi kumuendesa kuMberengwa District Hospital uko akatanga kurapwa.

“Mapurisa vakatanga kuferefeta nyaya iyi apo Gumbo airapwa nekudaro akazofira kuchipatara nemusi wa28 Gunyana.

“Tinogara tichiyeuchidza vanhu kuti vasiyane nenyaya dzekurwisana zvinoguma zvakonzera kurasikirwa kweupenyu hwevanhu kudai, vanhu ngavadzidze kugadzirisa kusawirirana kwavo mune zvakanaka,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvakadai, mapurisa vari mubishi kutsvaga Zhou nenyaya yaari kupomerwa yekuponda Gumbo.
“Semapurisa, tiri kutsvaga Edison Zhou nenyaya yaari kupomerwa yekuponda Luckson Gumbo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey