‘Ronaldo angangorohwa shamu 99 dzehupombwe’

23 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
‘Ronaldo angangorohwa shamu 99 dzehupombwe’ Cristiano Ronaldo aina Fatima Hamini

Kwayedza

MUMIRIRI weIran muSpain akaramba zvakasimba mashoko ekuti Cristiano Ronaldo anogona “kurohwa shamhu 99 nokuda kweupombwe’’.

Izvi zvinotevera mashoko akabuda kubva kuIran mubepanhau reMundo Deportivo iro rakati magweta emunyika yavo akamhan’arira mutambi weAlNassr uyu mushure mekunge mifananidzo yabuda padandemutande ichirakidza achimbundirana naFatima Hamimi uyo anove nyanzvi yekudhirowa mifananidzo pasi rese.

Izvi zvakaitika apo mutambi uyu, anove chizvarwa chekuPortugal, anga achishanyira Iran munaGunyana.

Mahofisi anomirira Iran kuSpain akaramba mashoko ekuti mutambi wenhabvu uyu acharangwa kana akadzokera kunyika iyi asi ndokutsigira zvakaitwa naRonaldo.

Chinyorwa chakabva kumahofisi anomirira Iran chinoti: ‘’Tinoramba chaizvo kuti pane mutongo wakapihwa mutambi wenhabvu ane mukurumbira pasi rese muIran.

‘Inyaya isina maturo iri kuburitswa ichivhara nhau yehondo nekutyora kodzero dzevanhu zviri kuitika kuPalestine. “Zvinofanira kuzivikanwa kuti Cristiano Ronaldo akaenda kuIran munaGunyana mazuva anoti 18 na19 kunotamba mumutambo wenhabvu uye akagamuchirwa zvakanaka nevanhu nevatungamiri vemunyika.

“Musangano wake uye hunhu hwaakarakidza achisangana naFatemeh Hamami hwakarumbidzwa nekuyemurwa zvikuru nevanhu nevatungamiri vemitambo munyika.”

Ronaldo, uyo anodanana naGeorgina Rodriguez wekuSpain, akashanyira Tehran guta guru reIran aine Al-Nassr kuzosangana nePersepolis mumutambo weAsian Champions League munaGunyana.

Ari ikoko, aimbove mutambi weManchester United neReal Madrid uyu akasangana nenyanzvi yekudhirowa Fatima Hamimi uyo aida kupa mifananidzo kuna Ronaldo, iyo yaakange akadhirowa.

Zvinonzi Ronaldo akamutsvoda padama ndokumupa hembe yaanotambisa nhabvu yakasainwa, ndokutorwa mifananidzo naye akamumbundira, izvo zvinonzi zvakashatirisa magweta ekuIran.

Izvi zvinodaro nekuti pasi pemutemo weIran, kubata mukadzi akaroorwa kwakafanana nehupombwe.

Hamimi anonzi chikamu che85 percent chemuviri wake chakaremara uye anofarira zvikuru mutambi wekuPortugal uyu.—SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey