Rudo rwedandemutande rwune njodzi muhupenyu

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Rudo rwedandemutande rwune njodzi muhupenyu

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga-Pfupa (Communications Officer for NAC) —
NYAYA dzekupinda murudo nevadiwa vakasiyana kana kuti rudo rwedandemutande dzinosanganisira vanhu vakawanda vanenge vachipanana bonde nemunhu mumwe chete panguva imwe chete.

Rudo rwemhando iyi rwunoita kuti utachiona hweHIV hunge huchipararira nekukasika kuvanhu vakawanda.

Vanhu vazhinji vari murudo rwedandemutande vamwe vacho vanenge vachiziva asi vamwewo vasingazvizivi.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhu vari murudo rwedandemutande urwu ndivo vari pamberi mukugona kuparadzira utachiona hweHIV.

Mubvunzo yaunofanira kuzvibvunza inoti:

– Ndiri murudo rwedandemutande here?

– Ndine vadikani vangani vandinosangana navo pabonde?

– Mudikani wangu ane vamwe vadikani vangani vaanosangana navo pabonde?

Zvinhu zvinorema kuti unge uchiziva kuti mudikani wako ane vadikani vangani kana iye kuti azivewo kuti iwe une vamwe vangani. Ipfungwa inosarira imi vaverengi kufuga kana kuwarira.

Vamwe vakadzi vechidiki vanowanikwa vari murudo rwedandemutande nevarume vemazera akasiyana sekuti vachidanana nevarume vakuru kwazvo kupinda ivo. Vamwe vanopinda murudo rwemhando iyi nechinangwa chekuti vange vachiwana zvakasiyana zvakaita semari. Izvi zvine njodzi huru kuva murudo rwedandemutande rwemhando iyi nekuti vasikana vakaita hushamwari hwepabonde nevarume vakurusa kwavari, vanodazve vakomana vezera ravo kuti vazoroorana. Avavo mai vechikuru varikumba kwababa ava vanenge vatopindawo mudandemutande asi ivo vakavimbika kumurume wavo mumwe chete.

Vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo kuti vawane mari ndivo vamwe vari panyatwa yekutapurirwa utachiona hweHIV, zvikuru sei vasikana nemadzimai echidiki.

Madzimai echidiki anokundikana kuwana simba rekuti vashandise dziviriro yekondomu nevarume vakuru kwavari, zvikuru sei kana riri bonde rinozoda kubhadharwa.

Makondomu anofanira kushandiswa kunyangwe muwanano asi nekuda kwetsika nemagariro evanhu, mamwe madzimai anowanikwa achikundikana kuti vange vachizvidzivirira nekuti vakakura vachidzidziswa kumba nekuchechi kuti vazviise pasi pevarume vavo. Bonde rakadzivirirwa ikodzero yemunhu wese, angava murume kana mukadzi, ari muwanano kana asiri.

Vechidiki vanokurudzirwa kuti vanonoke kupinda munyaya dzepabonde uye kune vari kupanana bonde, zvakakosha kuti vashandise dziviriro yekondomu nguva nenguva.

Ngatiedzei nepatinogona napo kudzivirira kupinda mudandemutande repabonde.

Izvi zvinogoneka kana tikaita mudikani mumwechete wepabonde akavimbika.

Tikasadaro tinogona kuzoona kuti munhu anogona kunge ari mudandemutande rimwe chete namai Mufundisi vake kana ambuya vake chaivo!

Zvakakosha zvakare kuti vanhu vange vachinovhenekwa utachiona hweHIV vazive pavamire kuti vakwanise kurapwa kana vachinge vaonekwa kuti vanahwo uye kuti vashandise dziviriro yekondomu kana vave kupinda pabonde. Avo varikumwa mishonga yemaARV vanokurudzirwa kuinwa sekurairwa kwavakaitwa navanamazvikokota vezveutano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey