Sare chitori chirwere• Anaro haaite mwana anopona • Haatane kugumbuka, nenharo

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Sare chitori chirwere• Anaro haaite mwana anopona • Haatane kugumbuka, nenharo Sekuru Katerere

Kwayedza

Kingstone Mapupu

“IWE, rega kuita sezvinonzi une sare!” Vamwe vanhu vanonzwikwa vachishorana kana kutukana vachidaro.

Kazhinji, vanhu vanonzwa pachitaurwa nyaya iri pamusoro pesare — vamwe vachitosvika pakushorana kuti nhingi anoita kunge ane sare sezvo asina kudzikama kana kuti achingopengereka zvisina maturo.

Sare rinotoitwa sechitukiso, vamwe vanhu votoguma vasisawirirane.

Icho chinombonzi sare chii uye rinobata vanhu vakaita sei?

Svondo rino Kwayedza inobvujunura chinhu chinonzi sare ndokuita ngororo nezvaro.

Sekuru Bonface Katerere vekwaMashambanhaka, kuUzumba, vanoti sare chirwere chinobata varume zvose nevakadzi vemazera ose.

“Sare chirwere chinonyanya kufungirwa nevazhinji kuti chinobata vakadzi chete, asi kana kuvarume chiriko.

Inyama inomera kusikarudzi dzevanhukadzi, kazhinji kana kunoita tsvina.

Kumadzimai inoita kuti vashaye mbereko.

“Vanhukadzi vane sare kana vakabata pamuviri, panobva kana kuti pakasvika pakusunungukwa mwana akangogumana nesare iri anobva afa achangosunungukwa. Kuvarume rinoita muhapwa,” vanodaro Sekuru Katerere.

Vanoti kune rimwe sare rinoita mudumbu memunhu, riri bundu iro rinozoita kuti mudzimai anaro atadze kubata pamiviri.

“Mudzimai kana aine sare, rinotadzisa zvakare murume kufara zvakanaka naye zvokanganisa baba kuita basa ravo mumba uye nekuita mbereko,” vanodaro.

Madzimai ane dambudziko iri vanonzi dzimwe nguva vana vanofira mudumbu, kana akazvarwa anonzi anofa asati asvitsa makore matatu.

“Sare rinopa zvakare munyama, kungava kumurume kana mukadzi.

“Unogara uchipomerwa mhosva dzausina kuita. Rinoitawo kuti murume kana mukadzi anaro aite shungu kana hasha dzakanyanya zvoguma zvave kuita kuti vanhu vatukane vachiti sei iwe uchiita seune sare?” vanodaro Sekuru Katerere.

Kuvarume, vanoti sare rinokwanisa kubata kusikarudzi, roita bundu rinogara richivava nekurwadza.

“Varume vanaro mitezo yavo yechirume haishande zvakanaka izvo zvinoita kuti vatadze kuita mbereko.

Kumadzimai nekuvarume, sare rinokwaniswa kuchekwa kuchishandiswa mishonga yechivanhu richitopera zvachose uyewo rinotadzisa kuita tsvina zvakanaka kuvanhu vanaro.”

Sekuru Katerere vanoti sare rinogona kutanga roga koitawo rimwe rekuroyiwa.

“Sezvinongoita zvimwe zvirwere, kune sare rinotanga roga kubva munyama kozoitawo rekuroyiwa. Saka muchinzwa zvichinzi sare rinoda kurapwa pachivanhu nekuti mamwe haarapike kuzvipatara,” vanodaro.

Kuchitiwo Mbuya Sarah Sithole Pfidze (46) vekuChipinge vanoti sare chinyama chinomera kunzvimbo dzakavandika — kungava kuvarume kana kuvakadzi.

“Munyika muno tine mhando mbiri dzesare — rekuroyiwa nerinomera roga. Munhu ane chirwere ichi ane hasha dzakanyanya, haadi kugumburiswa.

“Pakuricheka unototanga wakumbira kumidzimu yemunhu wauri kucheka nekuti anogona kufa,” vanodaro Mbuya Pfidze.

Sekuru Guvheya VaMathius Mudzingwa (61) vekuUnit F, kuChitungwiza, vanotiwo sare chirwere chinotanga mushure mekuteewa kwemunhu mumigwagwa nenzira dzekurasirira.

“Sare rinoita rekuteewa munzvimbo dzatinofamba nadzo, unogona kupihwa mbatya chaidzo uchifunga kuti rudo wotopihwa sare.

Rimwe rinotorwa kumakuva roiswa pamunhu, saka muchinzwa vakuru vachiti sare munhu.

“Kuvakadzi, rinomera kunyakasikana nekunoita tsvina, kuvarume rinomerawo kunoitwa nako tsvina nemuhapwa nepasikarudzi dzavo izvo zvinoitikawo kuvanhukadzi,” vanodaro Sekuru Guvheya.

Vanoenderera mberi: “Rimwe sare haukwanise kurirapa usina kurova hakata nekuti rinenge rakahwanda munyama.

Masare ose anotochekwa kwoiswa mishonga yekuti risarambe richimera.

Vanhu vose vane sare vane hasha dzakanyanya nenharo dzisina gwara, havadi kukundwa uye kune rimwe rinonzi sare gono remakono rinonetsa kurapa zvikuru,” vanodaro.

Sekuru Guvheya vanoti sare rinochekwa nereza itsva, kwoita rimwe rinongobaiwa netsanga robuda tumvura uye pakaiswa mishonga yechivanhu, rinobva ratopora.

“Madzimai kana vasikana vane sare vanosema varume zvekuti kana ukamuroora munogara muchingokakavadzana.

“Varume vanaro zvakare vanosemawo madzimai uye vanogara vachiramba madzimai pasina zvikonzero zvinoonekwa,” vanodaro Sekuru Guvheya.

Vanoti sare nejeko zvinonyanya kufambirana sezvo mudzimai akaita sare kazhinji anotambudzwa nejeko.

Gogo Mamoyo Letwin Manguwo (28) vekuUnit M, kuChitungwiza, vanopawo pfungwa dzavo vachiti sare idenda rinonyanya kunetsa kumadzimai zvisinei nekuti rinobatawo varume.

“Inyama inomera kunzvimbo dzakavandika nemuhapwa. Neimwe nzira iri igomarara rechivanhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey