Sekuru, vazukuru vorwira imba yenhaka

22 Dec, 2023 - 10:12 0 Views
Sekuru, vazukuru vorwira imba yenhaka Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti ari kudzingwa pamba nekushungurudzwa nevazukuru vanove vana vehanzvadzi yababa vake achiti havanei nechekuita neimba yaari kugara.

Innocent Mtitima akadhonzera Nicholus Chazika kudare reHarare Civil Court achiti anouya pamba achiita mhirizhonga.

“Nicholus anouya pamba kuzoita ruzha achiti ndinofanira kubva pamba apa nekuti ndepavo pavakasiirwa naambuya vake vanove amai vaamai vake. Mumwe musi akasvika pakurova mwana wangu natete, kutaura kuno ari pabhera nekuti tine nyaya iri kuMbare Court yemhirizhonga yaakaita pamba,” anodaro Mtitima,

“Vazukuru ava vane musha wavo kwaChihota, ndiri kushaya kuti vari kudeyi pamba apa. Zvakare nyaya ye’estate’ iri kwaMaster of High Court saka tangomirira kuti ipere ndozosuduruka hangu pamba pacho. Ndine mavhidhiyo anoratidza Chazika achiita mhirizhonga pamba. Anoda kuona ani pamba pangu sezvo tisiri kuwirirana.”

Chazika akaramba zvose zvaitaurwa achiti Mtitima akamhanya kudare iri kuitira kuti amutadzise kusvika pamba paakaberekerwa.

“Iri izano rekuti tisasvike pamba pedu, akatoronga nevanhu vemunharaunda imomo kuti ndikangoonekwa mumugwagwa iwowu pa40 Gwatidzo ndirohwe kana kumhanyiswa nevakomana vaakatsvaka,” anodaro Chazika.

“Chiri kundishamisa ndechekuti ane imba yababa vake iyo anotora rendi. Adii kunogara ikoko isu togarawo sezvo takapihwa imba iyi naambuya vedu. Mbuya pavakashaya, vakasiira amai vangu imba saka tisu varidzi vepo, haafaniri kutirambidza kugara pamba paamai vedu.”

Mutongi Sharon Mashavira akapa Mtitima gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey