Shasha pakurova ‘free-kick’

22 Jun, 2023 - 20:06 0 Views
Shasha pakurova ‘free-kick’ Elvis ‘Chuchu’ Chiweshe

Kwayedza

Abel Ndooka

MUMUTAMBO wenhabvu, vatambi vanotamba pazvinzvimbo zvakasiyana uye mumwe nemumwe anozivikanwa nechipo icho anodirwa nechikwata chake.

Kune vatambi vanozivikanwa nekunzvenga vamwe vatambi, shasha pakunwisa kozoita vanovhara bhora avo vanozivikanwa nekuti madefender.

Kana chikwata chikapihwa pena, chinotoziva kuti mutambi wedu nhingi ndiye anorova mapena uye asingapotse.

Kuchiti kana chikwata chikapihwa free-kick, chine mutambi wacho uyo wachinotarisira kuti ndiye anorova mafree-kick uye ari nyanzvi pakunwisa zvekare.

Svondo rino, Kwayedza yakagara pasi neshasha yekuongorora nhabvu munyika – Charles ‘CNN’ Mabika – uyo akadoma vatambi vashanu vaanoti dzaive kana kuti ishasha pakurova free-kick.

Elvis ‘Chuchu’ Chiweshe:

Chuchu pari panyaya dzekurova free-kick muchinda uyu aive nyanzvi izvo zvakasvika pakuona mafree-kick ake achishevedzwa kunzi ‘Chuchu specials’. Panguva yake achitamba nhabvu, akatambira zvikwata zvinoti Eagles Football Club, Dynamos FC nemaWarriors.

Vatsigiri venhabvu vazhinji vanogona kuyeuka mugore ra1987 apo Chuchu aitambira Eagles mumutambo wavo neDynamos, DeMbare yainge yakatungamira 2-0, asi Chuchu akazonwisa mafree-kick maviri mumutambo uyu ndokupera uri mangange 2-2.

Daniel Chikanda:

Shasha iyi yakatambira Black Aces uye aive nyanzvi pakurova free-kick. Hunyanzvi hwake hwakamuona achive mutambi wechitema wekutanga kugadzwa kuve kaputeni wechikwata chemaWarrioirs mugore ra1975. Chiremerera ichi akazochitambidza kunaGeorge ‘Mastermind’ Shaya muna1979.

Mercedes ‘Rambo’ Sibanda:

Mercedes Sibanda

Pavatambi venhabvu vekare, hakuna aikava bhora raive nesimba sezvaiitwa naRambo. Shasha iyi, iyo yakatambira Highlanders FC, aigona kukava bhora ari pakati penhandare richinonwa kugedhi rechimwe chikwata.

Knowledge Musona:

Knowledge Musona

Aimbove kaputeni wemaWarriors uyu inyanzvi pakurova free-kick izvo achiri kuita nhasi apo ari kutambira nhabvu yake kuSaudi Arabia. Mugore ra2020,

Musona akanwisa free-kick yakanetsa zvikuru apo maWarriors aitamba neAlgeria mutambo uyu ukapera uri mangange 2-2.

Algeria yainge yakatungamira 2-1, saka free-kick yakazorohwa naMusona yakabatsira kuti maWarriors awane chibodzwa chimwe chete kubva mumutambo uyu.

Mugore iri ra2020 zvekare, Musona akanwisa mafree-kick maviri mumutambo mumwe chete apo chikwata chake cheKAS Eupen chekuBelgium chakatamba neZulte Weregem. Zvisinei, chikwata chaMusona chakazokundwa hacho 3-2 mumutambo uyu.

Misheck Makota:

Misheck Makota (kuruboshwe) achimakwa naMurape Murape uyo aitambira Dynamos makore adarika

Nyere, sekuzivikanwa kwaiitwa Makota munhabvu, aiti akapihwa free-kick ari kuAmazulu kana Shabanie Mine, vatsigiri vezvikwata zvaakatambira vaibva vatosimuka vatoziva kuti vatonwisa.
Zvakadaro, vamwe vatambi shasha pakurova free-kick vanosanganisira Moses ‘Bambo’ Chunga, Khama Billiat, Ocean Mushure, Ronald Pfumbidzai naDenver Mukamba.

Vatsigiri venhabvu tiudzei kuti ndevapi vamwe vatambi vamunoti ishasha pakurova free-kick.
Tumirai mhinduro dzenyu panhamba dzinoti: 263 0719 437 402.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey