Uncategorized

Shavi rehuroyi tugu parufu . . .

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Shavi rehuroyi tugu parufu . . . Mai Beauty Mbozi Foya (52)

Kwayedza

 — ndadya vanhu 100
— Muroyi akazviitira weti l Chuma chinoita nyoka

Kingstone Mapupu —
MUKADZI wekwaMambo Matsiwo, kuMbire mudunhu reMashonaland Central, anonzi akabatwa neshavi rekuroya panhamo yemuzukuru wake ndokudura kuti ndiye aiva amuroya achitiwo kusvika pari zvino, auraya vanhu vanodarika zana achishanda nechikwata chevamwe vake.

Pakasvikirwa Mai Beauty Mbozi Foya (52) neKwayedza pamusha pavo mubhuku rekwaMugariri svondo rapera kuti vataure nezvenyaya yehuroyi iyi, vakashamisa vatori venhau apo vakazviitira weti ikayerera nemumakumbo nekutya nekunyara.

Mai Beauty Mbozi Foya (52)

Mai Foya vanonzi vane chuma chavanopfeka muchiuno, icho chinosanduka kuita nyoka panguva yehusiku uye vakatemerwa nyora shanu dzehuroyi muchiuno.

Mukadzi uyu anonzi akabatwa neshavi rehuroyi apo aive parufu rwemwana wemukuwasha wake kubhuku raMburuma, uyo ari kunzi akafa asina kurwara.

Izvi zvinonzi zvakaitika pakashaika Anopaishe Euvon Tidigu — uyo aiva nemwedzi mipfumbamwe yekuberekwa ari mwana waEunice Zuze (32) nemurume wake Forward Tidigu (33).

Eunice mwanasikana waMai Foya.

Zvichitevera kufa kwaAnopaishe, maporofita ekuchechi kwaEunice anonzi ane mhiko dzaakaita pavaigezesa mutumbi wemwana uyu nemuguva rake asati avigwa.

Mai Foya havasi kuramba nyaya iyi uye pavakaibvunzwa neKwayedza vakangoti zvose zvakaitika apo vainge vakabatwa neshavi — mhomho yevanhu vaiva parufu ichiona.

“Handirambe nyaya iyi, zviri kutaurwa nevanhu muno kusanganisira murume wangu, mwanasikana wangu nemukuwasha vane mwana akafa. Zvinonzi zvakaitika mwana achangovigwa musi wacho, ndipo panonzi ndakati ndini ndakauraya muzukuru wangu uyu.

“Hanzi ndakazotiwo ndakaroya nekuuraya vanhu vanodarika 100 nevamwe vangu, asi ini handizive kuti zvinombondifambira sei — handizvizive kuti ndiri muroyi.

“Panyaya yechuma changu, icho chinonzi chinopinduka chichiita nyoka husiku — zvechokwadi ndaiva nacho asi ndaisaziva kuti chaisanduka chichimboita nyoka kudaro,” vanodaro Mai Foya.

Vanotsinhirawo kuti vakaparwa nyora shanu kumusana nemuchiuno idzo dzinonzi ndedzekuroya.

MISHONGA

“Ndakatotanga kubatsirwa nemaporofita emuno nevamwe vakabva kuHarare ndokuzoita zvakanaka mushure memazuva apo ndinonzi shavi raive rakandibata. Zvakabviswa pamba pangu zvinosanganisira icho chuma chacho chaisanduka kuita nyoka nedzimwe nyanga,” vanodaro.

Mai Foya vanoenderera mberi: “Ini hapana zvandinonyatsoziva. Asi zvinhu izvi zvakabviswa zvikapiswa. Kuti nditi ndini ndakauraya muzukuru wangu handinyatsoziva, asi akandirwadza zvikuru mwana uyu. Ndaimuda muzukuru wangu.”

Mai Foya vanoti vanoda kuyananiswa nemukuwasha pamwe nemwanasikana wavo kuti vagokwanisa kufambidzana.

Eunice anotsinhira nyaya yekuti amai vake vakabatwa neshavi rekuroya parufu rwemwana wake.

“Mwana akangofa pasina kurwara. Husiku hwemusi watakamuviga, amai vangu vekundibereka — Beauty Foya — vakamuka vachiti ndivo vaiva vauraya mwana uyu. Vamwewo amai vaive pano, vakatangawo kuita sevopenga vachitaura twakasiyana,” anodaro Eunice.

Anoti pane mhiko dzavakaisa muguva nepamutumbi wemwana wekushaika.

“Nekuda kwenyaya iyi, murume wangu akashatirwa zvikuru ndokudzinga amai nababa vangu VaTypewriter Zuze panhamo, kusanganisirawo dzimwe hama dzaamai dzainge dzauya parufu – vose ndokuenda kumba kwevabereki vangu muno makare. Amai vakaenda vakangobatwa nemweya kudaro,” anodaro Eunice.

Anoenderera mberi achiti: “Amai vangu vakandirwadzisa zvikuru. Chokwadi here kubuda pachena kuti ndivo vakauraya mwana wangu? Hatimbofa takaonana kana kugara pasi tose.”

Tidigu (35) anotiwo ambuya vake vakadura pazere vanhu kuti ndivo vakadya muzukuru wavo.

“Pakati pehusiku apo vanhu vainamata, tabva mukuviga mwana, ambuya vangu vakangomuka kubva pavaiva varere vachiridza mhere vachichema vachiti, ‘Ndini ndakauraya mwana uyu, muzukuru wangu’. Vainongedza pamubhedha vachiti vaimuona arere apo vaiti vaida kumupfekedza napukeni.

“Vakaedza kudzorwa nevanhu kuti vaitaurirei mashoko akadaro ndokuita nharo vachiti ndivo vainge vamudya,” anodaro mukuwasha uyu.

Tidigu anoti akazodzinga ambuya vake natezvara pamwe chete nevamwe vehukama hwavo parufu rwemwana uyu.

MUMBA MAKABATIRA SHAVI

“Vakaenda kumba kwavo shavi rakangovabata, rikatozobviswa nemapositori. Nyaya iyi inondirwadza zvikuru, ndavambuya handina zvandingavaite asi handigone kuonana navo nekuti maziso angu anotsvuka ropa,” anodaro Ti- digu.

Vanhu pavaiviga mutumbi wemwana uyu, pamuti waiva nebazi raiva rakarembera nekudivi regomba reguva iri panonzi pakazoonekwa mukweshwa wenyoka waiva wakadongorera muguva.

“Vanhu vakatya kurova nyoka iyi vakapedza kuviga mutumbi wemwana tikaisiya iripo — yakangotarisa paguva. Motiwo kudii, mabasa ehuroyi!” anodaro Tidigu. Anoti vakafamba apo pakashaika mwana wavo.

“Maporofita aya akagadzira kumba kwedu mwana tisati tamuviga ndokuita mhiko dzavo pakugezesa mutumbi wemwana, ndokunogadzira mukati meguva. Vakazomwayawo mvura paguva, zvikazodzokerawo kuvaridzi venyaya,” anodaro Tidigu. Tezvara vake, VaTypewriter Zuze (52), vanoti ichokwadi kuti mudzimai wavo akabatwa neshavi rehuroyi parufu rwemuzukuru wavo.

“Ini ndakamboti kurwara, nekuti vakangotanga tiri kumba kwemukuwasha vachiti ndivo vakauraya Anopaishe. Vakatizve vakauraya vanhu 100 nevamwe vavo, hamheno kuti ndevapi.

“Vakaita mazuva vakadaro pano pamba pedu pakazobviswa nyanga nechuma chainzi chinosanduka kuita nyoka. Pane nyanga yakabviswa muimba yedu yekurara, hanzvadzi dzemudzimai nemunin’ina wangu vaivapowo,” vanodaro VaZuze.

VaRatherford Gonsalo (20) — avo vanova mumwe wevagari vemumusha uyu – vanotiwo pose pakabatwa Mai Foya neshavi rehuroyi, ivo vainge varipo.

Sabhuku Mburuma, VaClever Mburuma (68), vanoti zvakaitika mumusha mavo mashura chaiwo.

“Vakabvuma voga amai ava (Mai Foya), kuti vakauraya muzukuru vakadurawo zvevanhu 100 vavanoti vakauraya pamwe chete nevamwe vavo.

“Amai ava vanobva kune mumwe sabhuku uye vakanga vauya kurufu rwemuzukuru wavo kuno kwangu. Tinoda n’anga chaidzo kuti dzizotibatsira nekuti varoyi vanyanya kuno. Vamwe vanotodada naho huroyi,” vanodaro Sabhuku Mburuma.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey