Sherwood angangogadzwa pachigaro chinopisa

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views

Kwayedza

QUEENS Park Rangers iri kumhanya-mhanya kuita hurukuro dzekugadza Tim Sherwood pachigaro chinopisa chehurairidzi kuchikwata ichi svondo rino.

Sherwood ndiye ari pamusoro pevarairidzi vanogona kutsiva Harry Redknapp kuLoftus Road, apo hurukuro pakati pemapato maviri aya dziri kuenderera mberi.

Rangers ichasangana neSunderland svondo rino uye kana yapedza ichambozorora kwemazuva 12 apo ichatatsurana neHull.

Director of football wechikwata ichi, Les Ferdinand, ari kuda kuti murairidzi wavo awane nguva refu yekushanda nevatambi

vose vasati vatamba mutambo wavo wekurwira kusaburitswa muligi.

Sportsmail svondo radarika yakaburitsa nyaya yekuti Rangers yaive muhurukuro naSherwood kwenguva varefu uye yave

pedyo nekuwirirana nemuchinda uyu, uyo akamborairidza Tottenham.

Chikwata chekuWest London ichi chiri kuda kupa Sherwood kondirakiti ichange izere nehudobi pamwe nebhonasi rakakura kana akabatsira kuchiponesa kuti chirambe chiri muligi.

Asi zviri kuzivikanwa kuti hurukuro idzi dzave kusvika pakupera uye pane kuwirirana kuripo.

Mutambo wechikwata ichi wesvondo rino wakakosha chaizvo apo kugadzwa

kwemurairidzi wacho mutsva kuchatevera mutambo uyu wapera. – Daily MailOnline

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey