Shumba yaonekwa mudhorobha reKwekwe

28 Oct, 2022 - 18:10 0 Views
Shumba yaonekwa mudhorobha reKwekwe Shumba

Kwayedza

Michael Magoronga

VAGARI vemurukisheni rweMbizo neMsasa, kuKwekwe vari kugara vakabatira hana dzavo mumawoko zvichitevera shumba inonzi yakaonekwa ichidzvova munzvimbo iyi.

Mashoko ari kutenderera padandemutande anoti shumba iyi inofungidzirwa kuti yakapoya munzvimbo inochengeterwa mhuka dzesangano yeEye of the Wild iri kunze kwedhorobha reKwekwe.

Inonzi yakaonekwa nemumwe murimi aishanda mumunda wake uri kunze kweKwekwe mumugwagwa weMvuma, mamita mashoma kubva panzvimbo inochengeterwa mhuka.

Eye of the Wild inochengeta mhuka dzakafirwa nevabereki kana kuti dzakakuvadzwa uye yavandudzwa kusvika padanho rekuita nzvimbo yekutandarira.

Mukuru weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks) kudunhu iri, Muzvare Kwanele Manungo, vanotsinhira kuti hofisi yavo yakatambira mashoko ari pamusoro pekuonekwa kweshumba iyi.

Asi vanoti veEye of the Wild vari kuti shumba yavo imwe chete yavanochengeta vanayo.

“VaAustine vekuEye of the Wild vakati shumba yavo ichiri mumawoko avo. Saka tave kuedza kuona kuti imwe shumba iyi yabva kupi,” vanodaro Mai Manungo.

Vanoti vashandi vebazi ravo pari zvino vari mubishi rekuronda shumba iyi.

“Tiri munzvimbo iyi kutaura kwatiri kuita kudai kuti tiedza kuronda shumba iyi kana iriko zvechokwadi. Izvi zvakaitika mushure mekunge tatambira nhare yekuti mumwe murume akanzwa shumba ichidzvova iri mumunda make saka tiri kuedza kuona kuti iriko here, asi kusvika pari zvino hatisati taona matsimba emhuka iyi.

“Zvichakadaro, tinokurudzira vagari vemunzvimbo iyi kuti vagare vakangwarira nekuona mafambiro avo,” vanodaro Mai Manungo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey