Simudzirai nhabvu yevechidiki’

10 Mar, 2022 - 16:03 0 Views
Simudzirai nhabvu yevechidiki’

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvenhabvu zvinokwikwidza muDivision One kana muPremier League zvokurudzirwa kuti zvikoshese vatambi vechidiki nechinangwa chekusimudzira matarenda avo kuti vagozove vatambi vemangwana.

Kurudziro iyi yakapihwa nasachigaro weNorthern Region Division One, Martin Kweza, achiti kuti nhabvu yemuno ibudirire zvakakosha kuti zvikwata zvipe mikana kune vechidiki.

Anoti kuNorthern Region, zvikwata zvose zvinokwikwidza vakazvitaurira kuti zvinofanirwa kuve zvine vatambi vashanu kana kudarika vane makore ari pasi pe18 ekuberekwa avo vavanoda kuona vachitamba masvondo ese.

Izvi, anodaro Kweza, zvinobatsira kuti nhabvu irambe ichikura pamwe nekuti vatambi ava vagofambira mberi mumutambo uyu.

Anoti kuwanza vatambi vechikuru muzvikwata hakubatsire sezvo zvichidzosera nhabvu kumashure uye nekushaisa vechidiki mikana yekusimukira mumutambo uyu.

“Donzvo redu isu kuvaka vatambi vechidiki kuti vasimukire vagotimirira vachienda kunotambira kunze kwenyika kune zvikwata zvakasiyana. Ndiko kusaka isu tichikurudzira zvikwata zvose zvinokwikwidza muNorthern Region kuti ngazvive nevatambi vashanu kana kudarika vane makore ari pasi pe18 ekuberekwa nekuti chatinoda kuona vechidiki vachivakwa tarenda ravo.

“Kungowanza madhara ega hakubatsire uye hakuna kwamunosvika nechikwata nekuti madhara anenge achembera. Ndiko kusaka muchiona kuti zvikwata zvinobva muNorthern Region pazvinopinda muPSL zvinosvika zvichitamba nhabvu inonwisa mvura nekuti chikwata chinenge chakaumbwa chine vechidiki vakawanda.

“Tinoona kuti madhara mazhinji kana apera anouya kuzopedzera nguva yavo muDivision One voshaisa vechidiki mukana. Asi tinoti ipai mukana kune vechidiki uye madhara musamarase zvachose nekuti vanodiwa kudzikamisa vechidiki nekubatsira kuvaumba,” anodaro Kweza.

Pari zvino pazvikwata zvinokwikwidza muPremier League, zvitatu zvinoti Ngezi Platinum Stars, Harare City neHerentals ndizvo zvine vechidiki vanokwikwidza muNorthern Region Division One.

Zvikwata zvevechidiki izvi zvnoti Ngezi Platinum Under-19, Harare City Curbs neHerentals U-20.

Kuchitiwo Highlanders ndiyo yega ine chikwata chinokwikwidza muSouthern Region Division One.

Kweza anoti kana zvikwata zvakawanda zvemuPSL zvikave nevatambi vanokwikwidza muDivision One zvinobatsirikana kuburikidza nekubika vatambi uye hazvizombonetsekane nekutenga vatambi.

“Zvikwata zvose zvemuPSL zvikaita vechidiki vanokwikwidza muDivision One, zvinobatsira kubika vatambi vakawanda uye hakuna chikwata chinozombonetsekana nekutenga vatambi nekuti vanenge varipo vakawanda.

“Saka kurudziro iri kuzvikwata zvose kuti itaiwo zvikwata zvenyu zvevechidiki zviri muDivision One uye koshesai kubika vatambi vechidiki,” anodaro Kweza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey