‘Sputnik vaccine iripo inokwanirana’

28 Feb, 2022 - 21:02 0 Views
‘Sputnik vaccine iripo inokwanirana’

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke

ZVIURU nezviuru zvevanhu vakabaiwa nhomba yekutanga (first dose) yemhando yeSputnik V vaccine yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vanonzi havasati vadzokera kunobaiwa yechipiri (second dose), izvo zviri kushungurudza vanoona nezveutano.

Mushonga wenhomba uyu, uyo unogadzirwa kunyika yeRussia, mumwe wemishonga mina yakabvumidzwa kuti ishandiswe muZimbabwe uye wakabaiwa vanhu muHarare chete kubvira pakatanga chirongwa chekubaya majekiseni munaKurume gore rapera.

Zimbabwe iri kubaya nhomba zvakare mishonga inosanganisira Sinopharm neSinovac kubva kuChina neCovaxin yekuIndia.

Mashoko akatumirwa nekanzuru yeHarare padandemutande reTwitter anoti mizinda inosvika minomwe yemuguta reHarare yaibaya nhomba yeSputnik V yakaona kuti kune vanhu vane chitsama vasati vadzoka kuzobaiwa majekiseni echipiri.

“Bazi reutano nekurerwa kwevana rinoda kuzivisa veruzhinji vari muHarare neChitungwiza pamwe nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza vakabaiwa nhomba yekutanga chete yeSputnik V vaccine kuti vaende kumizinda yezveutano vanobaiwa yechipiri musi wa28 Kukadzi usati wadarika,” inodaro kanzuru iyi.

“Nhomba yechipiri yakakosha kuitira kuti munhu adzivirirwe zvizere kubva kuCovid-19. Magwaro edu ari kumizinda iyi anotaridza kuti kune vanhu vane chitsama vakabaiwa nhomba yekutanga yeSputnik V asi vasina kuzoenda kunobaiwa yechipiri.”

Mukuru wezveutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti zvinoshungurudza kuona kuti kune vamwe vanhu vasiri kuenda kunobaiwa nhomba yechipiri kunyangwe zvazvo mushonga wacho uripo kubvira pakatanga kubaiwa majekiseni aya.

“Sputnik V vaccine yakabaiwa vanhu muHarare chete uye tine mizinda yaibaya nhomba iyi,” vanodaro.

“Nekuda kwemagadzirirwo ayo, Sputnik V, inofanirwa kugara yakaita sechando iri mufiriji kusvikira painozoda kushandiswa saka pakabaiwa vanhu nhomba yekutanga takatoona kuti tachengeta yechipiri yacho kuitira vanhu ava.

“Dambudziko riripo harizi rekuti pane kushomeka kwemushonga asi kuti vanhu havazi kuenda kunobaiwa nhomba yechipiri.”

Mizinda yaibaya Sputnik V inosanganisira Parirenyatwa Group of Hospitals, Beatrice Road Infectious Disease Hospital, Mbare Polyclinic, Highfield Polyclinic, Western Triangle Polyclinic, Zengeza Clinic, Seke North Clinic, Seke South Clinic neSt Mary’s Clinic.

Harare ine chinangwa chekubaya nhomba vanhu vanosvika 1,4 miriyoni uye ne306 000 kuChitungwiza apo pari zvino zvinhu zviri kutaridza kuendeka.

Kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 600 000 vabaiwa nhomba yekutanga muHarare apo vamwe vanodarika 118 000 vabaiwa zvakare kuChitungwiza.

Chikamu chevabaiwa nhomba zvizere muHarare i33 percent uye Chitungwiza ine 25 percent.

“Tine vakawanda vabaiwa nhomba nekuda kwehuwandu hwevanhu vatinavo uye tichiri kubaya nhomba,” vanodaro Dr Chonzi.

“Hatisati tasangana nedambudziko rekushomeka kwemushonga wenhomba, chimhingamipinyi chete chatiri kusangana nacho kushomeka kwevakoti kumizinda yedu.”

Kanzuru yeHarare yakatarisana nekushomeka kwevashandi panguva iyo vanamukoti vane chitsama vari kusiya basa vachinoshandira masangano akazvimirira kana kuenda kunze kwenyika.

Izvi zviri kukanganisa kufambiswa kwenyaya dzezveutano kumizinda yakawanda inobatsirwa vanhu.

Dr Chonzi vanoti kushomeka kwevakoti kuri kudzosera kumashure chirongwa chekubaya vanhu nhomba kune mimwe mizinda yavo zvisinei nekuti mishonga yacho iripo.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kana kuti vanhu 10 miriyoni kuti pave nekudzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.

Kusvika pari zvino, vanhu vanosvika 4,3 miriyoni vabaiwa nhomba yekutanga apo 3,3 miriyoni vabaiwa zvizere, kuchitiwo vamwe vanodarika 120 000 vabaiwa yechitatu (booster).

Izvi zvinoreva kuti chikamu che35,1 percent chevanhu vari muZimbabwe vabaiwa nhomba zvizere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey