‘Takarambana asi anongondisona’

16 Dec, 2023 - 18:12 0 Views
‘Takarambana asi anongondisona’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti aimbove murume wake ari kumutevera kubasa nekumba nekuda kweshanje uye haadi kumuona aine shamwari dzechirume.

Sheila Chinyanga akazvuzvurudzira Taitus Katondo kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Murume uyu aiuya nepfambi mumba medu vachiita zvavaiita saka ndakasvika pakumusiya nekuti akazotora mari yataifanira kunotenga sitendi ndokunoroora mumwe mukadzi,” anodaro Chinyanga.

“Ndinokumbira dare rindibatsire murume uyu asasvike pedyo neni uye arege kuuya kubasa kwangu kuzondikanganisa. Ndinokumbira zvekare asiyane neupenyu hwangu arege kundironda pese pandiri.”

Katondo anoti haana kubvira ambonetsana naChinyanga.

“Nyaya iri apa ndeyekuti amai ava vava kutsvaga gwaro nekuti ndakavabata vaine chikomba tikatonyorerana pasi nechikomba chacho chichibvuma kuti vanodanana,” anodaro Katondo.

Asi Chinyanga anozviramba achiti Katondo akauya kubasa kwake ndokuudza mukuru wake kuti ipfambi.

“Akandiona ndichifamba neshamwarirume yangu akamurova, apedza ndokuuya naye kumukuru wekubasa achiti mukazoshaya zvinhu ndiye anenge aba nekuti ini handisisiri murume wake,” anodaro Chinyanga.

Katondo akaramba kuti akarova shamwarirume yaChinyanga asi kuti akanoudza mukuru wekubasa kwake kuti haasisiriye murume wake.

Mutongi Sharon Mashavira akapa Chinyanga gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey