Tevedza hurongwa hwegore

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Bembera padare naWedzerai Nhemachena

HURONGWA hunobva mukugara pasi sedare remusha, kambani kana senyika tichironga mafambisiro atinoda kuita basa kuti tigokwanisa kuzadzisa zvinangwa zvedu.

Kugara pasi kwerudzi irworwu kunobatsira kuti hatiite zvinhu zvamukira mumakumbo. Kuronga kunotibatsira kuti musha, kambani kana nyika ifambe mugwara ratakawirirana sedare.

Mukuronga uku, tinobvumirana kuti ndiani achaiti basa ripi munguva ipi zvinozotisvitsa pakubata zvinangwa zvedu.

Hurongwa hunobatsira zvakare kuti zvinagwa zvedu zvichazobatika rinhi uye vanhu vapihwa mabasa vachafamba sei.

Tikasaronga, tinopinda dambudziko rekuti munhu anoita zvaanoda pamusha, pakambani kana munyika.

Mhedzisiro ndeyekuti pachave nekuita njake-njake, vanhu vachiita zvavanoda uye chaitwa panenge pasina.

Dare rino rinoti nguva ndiyoyi yekuti tironge zvatinoda kuita gore ra2020. Tava kutoziva nechakare patinoda kufamba napo.

Vazhinji padare vanongoterera vachinzwa vamwe vachitaura ivo vasingapewo mazano avo. Kuti hurongwa hubudirire, hunoda kuti vanhu varodzane pfungwa nekugoverana pfungwa kusvika tawirirana zvatinoda kuita, kwete kurongerwa nevamwe sezvinonzi pfungwa dzeduwo dzakatama.

Kuti hurongwa hubudirire, ngatishandei pamwe chete tichiona kunaka nekuipa kwepfungwa dzedu nedzevamwe.

Imwe njodzi huru-huru yatinosangana nayo ndeye kuita hurongwa uhu tichimhanya-mhanya uye pfungwa dzisina kugadzana. Hurongwa hunozobuda ipapa ndihwohwo hwakangomonyorokawo.

CHENJEDZO:

Chara chimwe hachitswanye inda. Ngatisangofunga kuti vanotaurisa ndivo vane pfungwa dzakajeka chete, asi variko vasingataurise vanoburitsa zvipenyu mukuronga kwavo.

Chimwe chatinofanira kungwarira pakuronga kwedu ndechekuti tisawanze zvinangwa zvedu.

Tikawanza zvinangwa, tinozoshaya zvikwanisiro zvekuti tibate zvinangwa izvi.

Pamusoro pezvo, kuwanza zvinangwa kunozvimbira mwenewazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey