Uncategorized

Tezvara kubhinya muroora achigeza

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Lovemore Kadzura ari kwaRUSAPE

MURUME ane makore 52 okuberekwa wekwaMambo Makoni, kwaRusape, anonzi akabata muroora wake chibharo apo aigeza panguva iyo mwanakomana wake akange asungwawo nemapurisa achipomerwawo mhosva yekubhinya kamwana.

Murume uyu svondo rapera akamiswa pamberi pemutongi Muzvare Ruth Moyo uye haana kubvunzwa zvakawanda pamusoro pemhosva iyi, kuibvuma kana kuiramba.

Ari kumirirwa negweta rake VaMunyaradzi Manyengavana vekambani yeChiwanza and Partners.

Akanzi abhadhare mari yebhera uye achadzoka kudare munguva iri kutevera.

Muchuchisi Tawanda Munjanja anoti murume uyu anonzi akatyisidzira muroora wake achiti anomudzinga pamusha kana akataurira mumwe munhu kuti amubata chibharo.

Zvisinei, muroora uyu anonzi akazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Musi wa20 Chikumi nenguva dzemangwanani, mumhan’ari aigeza apo musungwa akatora mukana wekuti pamusha uyu painge pasina vamwe vanhu. Anonzi akapinda maigezera muroora wake akabata mboma nhema (baton).

“Musungwa anonzi akatora tawuru remumhan’ari achibva amuvhara naro kumuromo ndokumubata chibharo.

“Zvisinei nekuti mumhan’ari akange atyisidzirwa kuti aizodzingwa pamusha kana akataura nezvechibharo ichi, akamhan’ara nyaya iyi pakamba duku yemapurisa zvikaita kuti tezvara uyu asungwe,” anodaro muchuchisi Munjanja.

Zvichakadai, mwanakomana wemurume uyu akamiswawo mudare achipomerwa mhosva yekupinda pabonde nekasikana kasati kayaruka ako kanogarawo munharaunda.

Mwanakomana uyu ari kumiririrwa zvakare mudare iri naVaManyengavana.

VaManyengavana vakakumbira kuti musungwa uyu abviswe parimandi (remand) sezvo dare risati ragadzirira zvizere kuti achitanga kutongwa.

Mutongi Obedience Matare akatambira chikumbiro ichi ndokuti nyaya iyi ichaenderera mberi nenzira yemasamisi (summons).

Muchuchisi anoti musungwa uyu akapinda pabonde nekasikana aka.

“Gure iri rakazofumuka apo amai vemusungwa vakanyeverwa nevamwe kuti ndizvo zvaiitika. Paakabvunzwa, mumhan’ari akabvuma ndokuti vaiwirirana,” anodaro muchuchisi.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti murume uyu asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey