Tichiri kutsvaga ‘coach’: Zifa

07 Sep, 2023 - 15:09 0 Views
Tichiri kutsvaga ‘coach’: Zifa Lincoln Mutasa

Kwayedza

Abel Ndooka

SACHIGARO weZIFA Normalisation Committee – Lincoln Mutasa – anoti komiti yavo iri pakati pekuita hurukuro nevarairidzi vakasiyana apo vatarisana nekugadza murairidzi mutsva wechikwata chenyika chemaWarriors.

Kubva zvakadzorwa Zimbabwe mumhuri yenhabvu yepasi rose nguva pfupi ichangodarika, vatsigiri venhabvu vange vachida kuziva kuti murairidzi mutsva wechikwata chenyika ndiani sezvo munguva pfupi inotevera maWarriors anotarisirwa kuzorwira kuenda kumutambo we2026 World Cup.

Mutasa anoti ZIFA yakatambira matsamba kubva kune varairidzi vakawanda vemuno nevekunze avo vakarakidza chido chekurairidza maWarriors saka svondo rino vachaita hurukuro navo.

“Takagamuchira magwaro akawanda evari kuda basa rekurairidza chikwata chedu saka svondo rino tiri kuita hurukuro navo tichitsvaga murairidzi anonyatsoita.

“Pavarairidzi ava vatiri kuita hurukuro navo, vanosanganisira vemuno nevamwe vekunze saka kana tapedza kuita hurukuro yedu taona kuti ane magwaro atinoda nehunyanzvi hwatiri kuda ndeupi, tichazivisa nyika,” anodaro.

Mutasa anoti shasha yenhabvu munyika – Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa – uyo akarairidza maWarriors svondo rino apo akatamba neNamibia pamutambo wekupemberera kugadzwa kwemutungamiri wenyika President Mnangagwa, ainge akangogadzwa kuti arairidze mutambo uyu chete.

“Pana Chidzambwa takagara tataura kuti achangoshanda pamutambo uyu waakarairidza weNamibia uye chikwata chaakasarudza chaingove chekubatanidza chemutambo iwoyo.

“Panguva ino hatikwanise kutaura kuti Chidzambwa aripo here pavarairidzi vatiri kuita hurukuro navo,” anodaro.

Norman Mapeza ndiye akapedzisira kurairidza maWarriors apo akatungamira chikwata ichi kuenda kumutambo weAFCON munaNdira gore radarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey