‘Tinonokunda kulesotho’

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘Tinonokunda kulesotho’ ALOIS BUNJIRA

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA dzakamboita mukurumbira dzichitambira chikwata chenhabvu chenyika, chemaWarriors, pamwe nenyanzvi mukuongorora mutambo uyu svondo rino vakabatana kutsigira chikwata ichi apo chiri kunanga kuLesotho kunotamba mutambo wechipiri wekurwira tikiti rekuenda kuAfrican Nations Championships, kuRwanda gore rinotevera.

Izvi zviri kuitika apo chikwata chenhabvu chevanhukadzi chenyika, cheMighty Warriors, chichangopedza basa zvichitevera kubudirira kwachakaita nemusi weSvondo apo chakaburitsa Cameroon kuti chizenge chichienda kumutambo wemaOlympics, kuBrazil gore rinouya.
Svondo rino Zimbabwe yose yange yakabatana mukupemberera kukunda kwezvikwata zvenyika zviviri izvi.

Nemusi weSvondo vasikana vemaMighty Warriors vakaita mangange 1-1 neCameroon izvo zvichaita kuti vaende kumaOlympics apo vakomana vemaWarriors vakahwina 3-1 mumutambo wavakatamba neLesotho kuBabourfields kuBulawayo ndokuisa gumbo rimwe chete mundege kuenda kuRwanda.

Vasikana vakazvipedza asi vakomana vari kufanirwa kutanga vapedzisa basa svondo rino. Chikwata chaCallisto Pasuwa chiri kuzama kutevera mumatsimba emaMighty Warriors. Edzai Kasinauyo, uyo vazhinji vaiziva nezita remadunhurirwa rekuti “Ravanelli”, anoti maWarriors ari kufanirwa kutamba nhabvu sezvavakaita svondo radarika kuBabourfields kana vachida kunohwina kuMaseru.

Kasinauyo anoti maWarriors akatamba zvinodadisa svondo radarika saka hapana chinovatadzisa kunopedzisa basa mumutambo wavo wesvondo rino. “Takatamba zvakanaka pamusha uye tinofanirwa kuramba takadaro patiri kuenda kuLesotho. “Tikatamba sematambiro atakaita svondo radarika tinohwina chete, hapana chinombotitadzisa,” anodaro Kasinauyo.

Kasinauyo aive muchikwata chemaWarriors icho chakabudirira kuenda kunokwikwidza kuAfrican Cup of Nations yemuna 2004 kuTunisia. Mashoko ake akatsigirwa naAlois “Zola” Bunjira, uyo akambonetsa zvikuru achitambira CAPS United pamwe nemaWarriors, achiti ane chivimbo chekuti maWarriors achanorwa semvumba kuLesotho. Bunjira anoti hapana chichatadzisa maWarriors kuhwina kuMaseru kuti agobudirira kuenda kuRwanda gore rinotevera.

“Hapana chichatitadzisa kuhwina svondo rino, Lesotho hapana paichatikunda 2-0. “Nhandare iri kutambirwa mutambo uyu kuMaseru vakomana vedu vanoiziva zvakanyanya saka hapana chichavatadzisa kunobata basa sebasa. “Chandinoziva ndechekuti tiri kuhwina,” anodaro Bunjira.

Shasha pakuongorora nhabvu, Zivanai Chiyangwa, uyo anovezve mutsigiri mukuru wemutambo uyu anoti maWarriors akapedza basa svondo radarika apo akahwina 3-1 kuBabourfields uye ave kungoenda kunongozadzikisawo mutambo uyu asi akatobudirira kare kuenda kuCHAN.
Anoti maWarriors anofanirwa kungonovhara gedhi chete kuti mutambo uyu upere uri mangange 0-0 kuti zvigovabatsira kufambira mberi kuenda kumakwishu aya.

“Takapedza basa svondo radarika, hapasisina zvakawanda zvekutaura kana kufunga nezvazvo. “Lesotho hatisi kuitya isu, tiri kunoipedzera pamusha payo svondo rino,” anodaro Chiyangwa. Mugore ra2014, maWarriors akavhundutsa Africa yose apo akasvika kusemi-fainari yemutambo uyu umo akazokundirwa kumapena neLybia 5-4.

MaWarriors aive muGroup B pamwe nezvimwe zvikwata zvinoti Uganda, Bukina Faso neMorocco uye akabuda muboka iri asina kumbokundwa. Akahwina mutambo mumwe chete akaita mangange miviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey