Uncategorized

Tipeiwo mapiritsi e‘family planning’: Vana

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Tipeiwo mapiritsi  e‘family planning’: Vana Mishonga yekurera mhuri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
“ISU tiri kuda kuti tinge tichiwaniswa mishonga yekurera mhuri — kusanganisira makondomu — muzvipatara nemumakiriniki pasina kubvunzwa mibvunzo gumi nefararira.

“Hatidi zvakare kuti vabereki vedu vange vachizviziva kuti tiri kuita zvekurera mhuri nekuti vanenge vava kuzoda kusungisa munhu watinenge tiri kupinda naye munyaya dzepabonde zvisinei nekuti tinenge tabvumirana.

“Hongu tiri pwere, asi tinonzwawo kuda bonde semunhu wose saka ikodzero yedu kuriita pasina kumbunyikidzwa,” anodaro Sipho, mwanasikana ane makore 13 okuberekwa.

Sipho aitaura mashoko aya nguva pfupi yadarika pachirongwa chakaitwa nesangano reSouthern African HIV and Aids Information Dissemination Service (SAfAIDS) nevatori venhau muHarare.

Musangano uyu waiva nechinangwa chekuti Hurumende inge ichitarisa kodzero dzevana maringe nenyaya dzekurera mhuri mushure mekuona kuti pachiine mukaha mukuru.

Vechidiki vane chitsama vakataura pamusangano uyu vari kukumbira Hurumende kuti kuve nemutemo unoita kuti vange vachiwaniswa mishonga yekurera mhuri semapiritsi sezvo vachiti vamwe vavo vave kupinda munyaya dzepabonde zvichitevera kukurumidza kuyaruka kwavave kuita mazuva ano.

Paongororo yakaitwa, zvakaonekwa kuti vamwe vana vave kuyaruka vaine makore mapfumbamwe okuberekwa zvichienda kumberi izvo zviri kuita kuti vakurumidze kunzwa kuda bonde.

“Handingamirire kuzoita bonde ndasvitsa makore 18 apo ndinenge ndonzi ndava munhu mukuru. Chero vabereki vakatirambidza, isu tinogona kungozviita nerweseri nekuti ivo vabereki vedu havadi kukurukura nesu nyaya dzepabonde vachingoti zvinhu zvisingataurwe nyambisirwa isu sevana, nekuda kweruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti nematerevheni, titori pamberi kuvadarika.

“Saka zvakakosha kuti tiwaniswe mishonga yekurera mhuri pasina zvibingamupinyi uye panzvimbo dzinoenderana nesu vechidiki (Youth Friendly Corners) kuitira kuti tisazoite pamuviri pasina kurongeka kana kutapurirwa zvirwere zvepabonde. Kudzivirira kwakakosha pane kuzochema tauya netwuzukuru kumba,” anodaro Marita Tavy anove nhengo yeHer Choice Champion chinova chirongwa chiri kutsigirwa neSAfAIDS.

Zvakaonekwa zvakare kuti kushaiswa mishonga yekurera mhuri kune vechidiki kuri kuita kuti vapedzisire vave kubvisa pamuviri nerweseri zvinova zvine njodzi kuupenyu hwavo uye vamwe vanozvisungirira mushure metswekwende dzerudzi urwu.

“Patinoita misangano yedu sevechidiki, tinotozivana kuti nhingi nanhingi vave kutoita zvebonde nekuti tinobudirana pachena, nokudaro matambudziko edu anozivikanwa nesu. Senge isu vakomana, tiri panguva yakaoma nekuti tinosangana nemiyedzo toita bonde risina dziviriro kana tamitisa tonyorwa mumapepanhau kuti kakomana kane makore 16 kamitisa vasikana vaviri koendeswa kumatare nenhau yemendenenzi,” anodaro Runyararo Mzwaba (19).

Anoenderera mberi achiti, “Panhau dzekumitisana dziya, mwanakomana ndiye anosara ari panyatwa nekuti achatizirwa otarisirwa kuriritira mhuri asi iye achiriwo mwana anoda kuchengetwa. Saka mugumo kusungwa wovharirwa mujeri nenhau yemendenenzi.

“Kana tikawaniswawo makondomu muzvikoro kana muzvipatara, tinobatsira mukurera mhuri sevakomana nekuti tinototyawo nyaya dzekumitisa kana kupihwa zvirwere.”

Tariro Chikuni (19) wekuRushinga anoti sevechidiki, kana vakapihwa sarudzo yekuita zvakavanakira maringe neutano hwavo hwesikarudzi, vanoona nyaya dzekumitiswa uye kusiira chikoro panzira nekuda kwekuita mimba kana zvirwere zvepabonde zvichiderera.

“Kune vamwe vechidiki vakasiira chikoro panzira nekuda kwepamuviri apo vabereki vanoramba kuvabhadhararira fizi. Dziviriro yakakosha pane kuunza matambudziko munyika nekuti unova mutoro zvakare kuHurumende kuti izoriritira vana vanobarwa nevamwe vana kuburikidza nebazi reSocial Welfare. Zvinobatsira kudzivirira kuraswa kwevana mumigwagwa,” anodaro.

Sangano reSAfAIDS riri kufambisa chirongwa cheHer Choice icho chine donzvo rekukurudzira Hurumende kuti inge ichisandura mitemo yayo kuitira kuti vechidiki vange vachirerukirwa mukuwaniswa mishonga yakasiyana yekurera mhuri.

Kuburikidza nechirongwa ichi, vanasikana 12 nevakomana vana vakasarudzwa kubva kunyika ina senzira yekuti pange pachisandurwa mitemo nechinangwa chekuti vechidiki vawaniswe mishonga yekurera mhuri.

MuZimbabwe, chirongwa ichi chiri kuitwa kuRushinga, Mberengwa neHwange.

Ashley Ngwenya, uyo anova murongi kusangano reSAfAIDS, anoti kana vechidiki vakashaiswa ruzivo pamwe nemishonga yekurera mhuri, vanopedzisira vava kutenga mishonga yemumikoto inova inenge yakapera basa kana kufurirana pachavo kuti vabvise pamuviri.

“Kuti chirongwa ichi chibudirire, chinoda mushandirapamwe wevakuru vanoona nezvedzidzo yepuraimari nesekondari, vabati vemitemo uye vabereki nevana vechikoro. Hatisi kukurudzira hunzenza kuvana vechikoro asi chokwadi ndechekuti vamwe vana vari kuita zvebonde nokudaro vanofanira kudzivirirwa pakubata pamuviri pamwe nekutapurirwa zvirwere zvepabonde kusanganisira HIV inova isati yawanirwa mishonga,” anodaro.

Zvisinei, vabereki vazhinji havatenderane nepfungwa yekuti pwere dziwaniswe mishonga yekurera mhuri sezvo vari kukurudzira kuti vana vange vachizvibata pane kumhanyira nyaya dzebonde vasati vabva zera.

Bepanhau reKwayedza ragara richiburitsa nyaya dzevana vaduku avo vanenge vaitiswa pamuviri — pamwe pacho nehama dzepedyo kana nevarume vakuru. Imwe yenyaya dzakadai yakabuda mupepanhau rino remusi wa25 Chivabvu 2018 pasi pemusoro waiti “Mwana (13) mimba tugu” apo mwana aiva nemakore 13 okuberekwa wekwaChinamhora, kuDomboshava, aiita seachaputika dumbu nekukurirwa nemimba yaakaitiswa nemurume akazomutiza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey