‘Tofa nenzara nekuda kwezvikwereti’

31 Oct, 2023 - 09:10 0 Views
‘Tofa nenzara nekuda kwezvikwereti’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUMWE mudzimai akachema-chema mudare reHarare Civil Court achiti murume wake ane katsika kekutora zvikwereti izvo zvave kukonzera kuti mhuri yavo itambure nekushaya chikafu.

Nomatter Ndorikanda akaendesa Allen Ndorikanda kudare achida kuti abvise US$200 pamwedzi yekuriritira vana vavo.

“Uyu murume wangu uye tinogara tese hatina kurambana. Dambudziko riripo nderekuti baba ava vanogara vari muzvikwereti zvekuti tinosvika pakushaya chekubata mumba. Ukangobvunza mari vanenge vachingoti havana nekuti vane chikwereti chanhingi,” anodaro Nomatter.

“Ndinokumbirawo dare rindibatsire kuti ndipote ndichipihwa mari nekuti tapinda panzara. Hatina kana dambudziko pakati pedu asi zvikwereti ndizvo zvanetsa mumba medu. Vana kuzvikoro kune zvikwereti zvokuti vanopedzisira vave kudzingwa,” anodaro.

Mutongi Ayanda Dhlamini vakati Allen abvise US$200 pamwedzi yekuriritira vana vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey