Uncategorized

Uku kuroyiwa: Zinatha

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Uku kuroyiwa: Zinatha VaKandiyero

Kwayedza

MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mudzimai wekwaNjelele, kuGokwe, wekunzi akazvara datya anofanirwa kukurumidza kubatsirwa asati akanganisika pautano hwake sezvo aya ari mabasa ehuroyi uye anogona kuzoita hurema husingaperi kana kutotadza kubereka zvachose.

“Sesangano reZinatha, tinokurudzira mudzimai uyu kuti akurumidze kunobatsirwa nanachiremba vechivanhu nekuti zvinoratidza kuti chinhu chaakabereka ichi chidhoma kana kuti chikwambo.

Zvinoda kuti mudumbu make mugesezwe kusanganisawo nemurume wake, vanofanirwa kuchenurwa kuti vazokwanisa kuita mwana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kubva pakapiswa datya iri, zvaifanirwa kuitwa nemachiremba vanoziva nekuti pane hutakati hwakasimba hwakaitwa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey