‘Une mukanwa makafira chidembo’

08 Feb, 2024 - 17:02 0 Views
‘Une mukanwa makafira chidembo’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUMWE mudzimai anoti shamwarikadzi yemurume wake ine mukanwa makafira chidembo sezvo ichigara ichimutuka izvo zvaita kuti ashaye chimiro munzvimbo yaanogara.

Tarita Zakiya aendesa Fatima Timothy kudare reHarare Civil Court achiti anouya pamba pake otanga kutuka nemashoko anonyadzisa pamberi pevavakidzani.

“Dzimwe nguva anotanga kushevedzera achitaura zvose zvavanenge vaita husiku nemurume wangu,” anodaro Zakiya.

“Ndanga ndisina basa nekudanana kwavo asi tsika yaave kuita yekuuya achipwanya mahwindo haichaita. Ave kutambarara (serunyemba) manje nekuti ava kuzviona sekuti ave mudzimai wemurume wangu asi haana kana sendi raakabvisirwa. Ngaagare kumba kwake arege kuuya pamba pangu.”

Achipawo divi rake, Timothy anoti haana dambudziko kana Zakiya akapihwa gwaro redziviriro.

“Murume wavo murume wanguwo uye ndine mwana naye,” anodaro Timothy.

Mutongi Mai Mukwesha vapa Zakiya gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey