‘Uri kuda $450, apa ndinotambira $122’

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘Uri kuda  $450, apa ndinotambira $122’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MURUME anoshanda semurairidzi wekuendeswa kudare nenyaya yemendenenzi akarohwa nehana apo mudzimai wake akati anoda mari yake yaanohora yose iri $450 pamwedzi yekuchengeta vana vatatu.

Rungina Manyeruke akaudza dare reHarare Civil Court kuti anoda kuti Jacob Mutizo amupe mari yekutenga chikafu nekuita zvimwe zvinodiwa nevana.

“Changamire, ndinoda kuti baba ava vandipe $450 pamwedzi yekuchengeta vana vedu vatatu kubva pane zvekudya, mari yechikoro uye zvekupfeka,” anodaro Manyeruke.

Anoti Mutizo anoshanda semudzidzisi achihora $450 pamwedzi uye ane imwe mari yaanowana kubva kumotokari yaanoshandisa kutakura vanhu.

“Ini handishande, asi baba ava mudzidzisi vanohora $450 pamwedzi pamwe chete neimwe mari inobva kumotokari yedu inoshandiswa kutakura vanhu. Saka $450 ndiyo yandiri kuda,” anodaro Manyeruke.

Mutizo, achitaridza kukahadzika kukuru, anoti mari inodiwa naManyeruke haaikwanise.

“Mari inodiwa naamai ava yakawandisa ini handiikwanise, ndingangokwanisa $100 pavana vese vari vatatu. Ndinodzidzisa kumusha ndichitambira $122 pamwedzi,” anodaro Mutizo.

Anoti mukadzi wake akaramba kuenda kumusha kune upenyu hwakareruka achiti anoda upenyu hwemuHarare uye haadi kutsvaga basa, kunyangwe zvake akadzidza kusvika pakuwana chitupa chediploma.

“Amai ava vanoda kudya vakagara. Vakaramba kuenda kumusha kwakachipa upenyu vachiti vakakurira kumusha saka vanoda kumboonawo Harare. Ane diploma asi haadi kutsvaga basa, zvemota zvaari kutaura ndezvekunyepa,” anodaro Mutizo.

Manyeruke anomugamha achiti hunhu hwaMutizo ndihwo hwakonzeresa kuti amuunze kudare.

“Baba ava vane hunhu hwakaora, havadi kufonerwa neni, kunyangwe mwana akarwara vanoti usandifonere. Apa ndini ndinenge ndichinetseka nevana ivo vari kubasa kwavo saka kana asingakwanise yandataura ngaachindipa $300 pamwedzi,” anodaro Manyeruke.

Mutongi Amanda Muridzo akati Mutizo abhadhare $100 pamwedzi yekuchengeta vana vatatu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey