Uncategorized

Usandishevedzere chiporofita

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

NDINE shamwari yangu iri kundinetsa kuti ndimboenda kuchechi kwake kunoona simba rina “prophet” kana kuti “man of God” wake. Asi akanonoka.

Handichada kunamata kune chiporofita chekuudzwa varoyi vari kundiroya. Handichada kunamata kwekuti upenyu hwangu hunopedzisira husisiri hwangu nekuti zvose zvandinoda kuita ndinofanira kutsvaga “man of God” kana kubatsirwa nemuporofita.

Ndakambonamata chechi dzaive nemaporofita aiita zvishamiso zvinomisa varoyi, asi ndakazoitirwa nyasha ndikabva muchechi idzodzo. Sei ndichiti ndakaitirwa nyasha?

Ndakaona kuti takanga tisisanamate Jehovha kana Jesu Kristu — asi takanga tave kunamata maporofita iwayo, tichivabhiga zvekuti ivo pachezvavo vakanga vave kuita makwikwi ekuratidza kuti ndeupi akakora kudarika mumwe “man of God.”

Ichokwadi kuti panguva yatakanga tichiriko, taitaurira dzimwe hama dzedu kuti muporofita wedu mukuru wacho akanga ari shasha zvekuti aiti akatanga kukuudza zvawakaita nezuro, hapana chaisara zvekuti waipedzisira wave kutya kuti chii chako chakanga chisingazivikanwe naye.

Asi mbiri nesimba zvakanga zviine murume aitungamirira chechi yedu uyu, zvakanga zvichiratidza kuti paita kamwari katave kuteerera.

Ini handichada kunamata kwekutsvaga kupedza nhamo nematambudziko nekuti Jesu akati, “Panyika munotambudzika.” Kuna Jobho kwakanyorwa kuti, “Munhu akazvarwa nemukadzi ane mazuva mashoma azere nekutambudzika . . .”

Asi nyangwe zvakadaro, pakati pedu paita chechi nemaporofita anotiudza kuti haufanirwe kutambudzika, kana kutapukirwa nemafuta chaiko uchibika kunofanira kuti kutsvagwe kugopihwa tsananguro.

Asika kutambudzika ndiko kunotipa kutsungirira, nekutsungirira pakunamata kugotipa kuswedera pedyo naMwari pamwe chete nekukunda nekunyatsomuziva. Jesu akati, “Garai mandiri, neni ndigogara mamuri.” Akataura pachena kuti “Kunze kwangu hamugone kuita chinhu.”

Chechi dzeminana nemaporofita hadzisi chechi dzinoponesa mweya, asi dzinoporesa nyama.

Chandakatozoona ndechekuti kubva pandakabva kuchechi dzemaporofita idzi, nhamo nematambudziko andaisangana nawo haasisina kufanana nepandaivemo.

Pandaivemo zvainetsa kuti mwedzi upere ndisina chimwe chinhu chinonetsa chichaita kuti ndide kuona muporofita.

Saka ini nemhuri yangu takanga tatove varanda vekuporofitwa nekubatsirwa. Ndakasvika pakuona kuti takanga tichingotenderedzwa, asi pasina kwatiri kuenda.

Iko zvino ndikanzwa munhu anondishevedzera mashura iwaya, ndinoti dai Mwari vamuitirawo nyasha akaziva kuti Mwari vedu vari kumusoro kudenga, kwete panyika pasi.

Mwari vanoti, “Munhu haararame nechingwa chete, asi neshoko rinobva mumuromo mavo.” Iro shoko raMwari iroro, ndiro randakazoona kuti kana ukaritsvaga, ukariwana, ukarigamuchira, ukarichengeta — zvako zvinenge zvatonaka uye zvisisade anokuporofita.

Kunyepa chaiko kuti Mwari havataure nevanhu vose vose. Mwari vanotaura chero nani zvake ari kuvatsvaga nemwoyo wake wose.

Saka nyaya dzekuenda kumachechi ekunonzwa madhimoni achichema nekutaura nhoroondo dzisina muganhu hadzibhadhare. Nguva yekuswera uchinzwa madhimoni achitaura ngaishandiswe kuterera shoko raMwari rinoponesa, rinokuita kuti ukure nekusimba.

Jesu akati, “Muvaite vatsvene muzvokwadi; shoko renyu izvokwadi.”

Kumwezve akati, “Mwari vanotsvaga vanovanamata mumweya nemuzvokwadi.” Kwete mweya yevamwe vanhu, asi mweya waMwari wakanzi kune vose vanotenda, “Asi muchapihwa simba, kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu.”

Ngatizive kuti nguva chaiyo ndeyaMwari. Hakuna munhu anoti ndichakupedzera dambudziko rako nhasi, kunze kwekunge achiziva kwakabva dambudziko iroro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey