Uncategorized

‘Utsinye kuzvipfuyo bodo’

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
‘Utsinye kuzvipfuyo bodo’

Kwayedza

VAMWE vechikuru, kusanganisira madzimambo, vekuGokwe vari kutsutsumwa nekuda kwevamwe vagari veko vane tsika yekubata zvipfuyo zvavo nenzira dzine hutsinye nekudaro vanoti vane hurongwa hwekushanda pamwe chete nemapurisa mukupedza dambudziko iri.

Kwayedza yakaita hurukuro naMambo Njelele, VaMisheck Njelele (51) pamwe naMambo Sahi, VaKazmer Sahi (51), avo vose vanoti vanhu vanobata zvipfuyo zvisina kunaka vanofanirwa kurangwa.

Mambo Njelele vanoti kune nyaya dzakawanda dzinosvika kwavari dzevarimi vanobata zvipfuyo zvavo nehutsinye.

“Samambo, changu kuona kuti zvinhu zvose zvinofambiswa zvakanaka pasina kutsaudzira mutemo. Unoona vamwe vachisunga mombe muromo kana kugara dzakaiswa matomhu nekuti dzinopoyera mumapindu evanhu kana kugara dzakaiswa mazitanda muhuro kuti dzisapazire mumagadheni.

“Izvozvi zvoga hutsinye kuzvipfuyo izvo tinoshandisa mumabasa pamusha,” vanodaro Mambo Njelele.

Vanopawo muenzaniso wevanhu vavanoti vanopisa mombe kana madhongi miswe kana misana kuti zvidhonze apo zvinenge zvakabopwa pagejo, vachiti hutsinye hukuru.

“Tinoona mombe kana ichiri njeni (itsva) pamusha, vanhu vachida kuti isatize, inoiswa cheni huru muhuro kuti itadze kufamba kana kudhonzeswa zidanda zvinoitadzisa kufura zvakanaka. Uhu hwose hutsinye hwakakomba kuzvipfuyo.

“Mombe kana zvimwe zvipfuyo zviri zvitsva ngazvivakirwe matanga akasimba umo zvinogara kusvikira zvajaira zvichipihwawo kudya nemvura zvirimo kwete kuzvigarisa nenzara.

“Ndinoyambira vanhu vanobata zvipfuyo zvisizvo. Kuno ndiri kushanda nenyanzvi dzeDepartment of Veterinary Services nemapurisa kuti vasungwe,” vanodaro mambo ava.

Mashoko avo anotsinhirwa naMambo Sahi vachiti varimi nevamwe veruzhinji vanofanira kubata zvipfuyo zvavo zvakanaka.

“Vamwe unonzwa vachiti imbwa dzavo kana dzichiba mazai vanopisa zai, vozomanikidza imbwa kuridya richipisa kana kudzisunga miromo kuti dzisabe.

“Vamwe ndivo vanoti vakaona imbwa yanetsa kana kuti yarwarisa vanonoikanda murwizi mune makarwe kuti idyiwe. Hutsinye, isu hatidi zvakadaro,” vanodaro.

Vakazodembawo nekuda kwekubiwa kwemombe kudunhu reGokwe vachiti izvi zviri kudzosera shure mabasa ekurima.

“Makororo emombe anorura munguva ino yeChirimo sezvo vazhinji vachisairira zvipfuyo zvavo zvimwe zvichirara musango. Tinoti kuvarimi pfigirai mombe dzenyu husiku,” vanodaro.

Mambo Sahi vanoti semadzishe, vari kuronga kuisa makomiti mumisha ayo achachengetedza nharaunda pamwe nekukurudzira kubatwa zvakanaka kwezvipfuyo uye makomiti aya anenge achishanda pamwe chete nemapurisa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey