Uncategorized

Vakaviga mhuka: Madzibaba akachipiswa

12 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Liberty Dube ari kuNYANGA
AKAVE masvanhikongonya kutarisana kwevakarambana padare raMambo Saunyama, kuNyanga, nemusi weChishanu chadarika apo mumwe muporofita — uyo akanyepera imwe mhuri yeko kuti ivige mapfupa emhuka muguva achivati ndeehama yavo yaaiti yakafa nekupondwa asi munhu ari mupenyu — akazonyadziswa achinzi anonyepa nekupedzera vanhu nguva achirotomoka zvisina musoro.

Mhuri yekwaZiko mugore ra2013 yakaviga patsva avaiti mapfupa aBenenia Ziko mushure mekunge Madzibaba Ngonidzashe Gwete anyepa — kuburikidza nemweya unonzi waisvika — apo akatungamirira mhuri iyi kuti inofukunura mapfupa aive muguva risina kudzika iro raive pasi pemuti kuHatcliffe, kuHarare achivati ndeaBenenia, mwanasikana wemhuri iyi.

Apa muporofita uyu aiti Benenia, uyo akafirwa nemurume ikoko kuNyanga, akafa nekupondwa navanamuzvinabhisimisi vaviri veko, nhengo dzemuviri wake ndokuchekereswa.

Zvisinei, Benenia anonzi mupenyu uye ari kutoshanda muHarare.

Madzibaba Gwete akashaya pekupinda nekunyara mudare iri apo chitopota chen’anga, Shingirai Mukotsanjera — uyo anowanzobatsira Mambo Saunyama munyaya dzinenge dzichida kugadziriswa kuburikidza nechivanhu — akaburitsa pachena kuti muporofita uyu akanyepera mhuri yekwaZiko sezvo Benenia ari kutozvishandira kuHarare asi iye achiti akafa.

Kuchitiwo Tawanda Ziko, uyo anonamata chechi imwe chete naGwete, akaudza dare iri kuti akaonana vakatokurukura nehanzvadzi yake Benenia gore rapera apo mukadzi uyu akaenda kuNyanga achinoona

vana vake.

Paakadzokera kuNyanga apa, Benenia ainge “akatovigwa” muguva kare zvichitungamirirwa nemuporofita Gwete asi iye haana kuzviziva.

Zvakabuda mudare iri kuti mhuri yekwaZiko yakabhadhara Gwete nemombe sekumutenda nekuunza kwaakange aita “mweya wehama yavo mumusha”.

Vatori venhau veKwayedza vakazoenda nemakurukota aMambo Saunyama nemhuri yekwaZiko kuguva rakavigwa mapfupa embudzi aya kuVillage 13, kuNyatate.

Guva iri riri pakati pemamwe makuva.

Izvi zvisati zvaitika, Mambo Saunyama vakambenge vatuma mumwe wemapurisa avo, Lucia Nyado, kuti aridzire Benenia nhare kuHarare panhamba dzake dzeNetOne dzinoti 0713 997 470 apo iye akatodaira.

“Vataura. Lucia aita semumwe munhu wemubhuku muno ndokubvunza Benenia — uyo ange asiri kuziva zviri kuitika — kuti amubatsire nekumutsvagira basa kuHarare. Haana kuziva kuti ari kutaura nemupurisa wamambo.

“Vacharamba vachitaura vose kusvikira tamukwezva auya kuno kudare. Hatina kukwanisa kuti timukwezve auye kuNyanga pachine nguva nekuti pane magwaro anofanirwa kuitwa nemapurisa asati auya kuno kuNyanga,” vanodaro Mambo Saunyama.

Kwayedza yakaedza kakawanda kuridzira Benenia nhare asi foni yake yaingorira isingadairwe.

Mambo Saunyama vanotaura nehasha vachiti, “Ticharipisa mhuri yekwaZiko zvakaomarara nekuti vakafurirana nemuporofita wemanyepo uye nekupedzera dare rino nguva. Pane kuti vapikisane nemuporofita uyu, vakatenda kuti Benenia akafa, izvi zvinhu zvisingatarisirwe zvachose.”

Imwe mhuri yemudunhu iri — iyo yaipomerwa kuti ndiyo yakaponda Benenia — yaivapowo padare iri.

Gwete akambenge ataura kuti mhuri iyi ine chainoziva nekupondwa kwainzi kwakaitwa Benenia nekuzochekereswa kwake.

“Iri idhirama. Mashura chaiwo aya. Ndakapedzisira kuona Benenia muna1987 asati aroorwa. Handina kana bhizimisi randiinaro. Kana iwe uri muporofita wechokwadi uye uchiudza nyika yose kuti takauraya Benenia asi iye ari mupenyu ari kuHarare, ndiudze kuti ndiri mhondi here inini?

“Vanhu kuungana vachichema mapfupa embudzi asi iye (Benenia) ari mupenyu kuHarare. Mawoko edu akachena,” anodaro mumwe wemhuri iyi achitaura nehukasha.

Mukotsanjera akaita chirongwa chekuchenura kwamaminitsi anosvika 20 ndokuti mhuri yekwaZiko yainyeperwa naGwete uye Benenia mupenyu.

“Mhuri iri kupomerwa kuuraya Benenia haina chainoziva uye mawoko avo akachena. Benenia mupenyu uye ari kuHarare.

“Muporofita uyu ari kuvanyepera. Handisati ndambonzwa zvakadai. Izvi hazvisati zvamboitika.

“Muporofita uyu akanyepa nechinangwa chekuti awane mukurumbira munzvimbo ino. Idzi inzira dzisina musoro dzinoshandiswa nemaporofita emazuva ano anoda kunzi ane masimba. Munhu uyu ari kutoshanda kuHarare uye akasimba. Mumwe wemhuri iyoyi, Tawanda, aitova naBenenia apo akauya kuno gore rapera. Ane foni uye vamwe vanhu vakataura naye. Munhu akafa anotaura here?” inodaro n’anga iyi.

Tawanda anotsinhira kuti akasangana naBenenia akataura naye.

“Ndakasangana naBenenia kuno kuNyanga apo aibva kuHarare. Takataura kwenguva yakareba asi handina kumuudza kuti kune guva ratakaviga ainzi marangwanda ake kuno kuNyanga. Handina kuudza amai vangu (Gogo Ziko) nyaya iyi (kuti Benenia mupenyu) nekuti semhuri, taivimba nezvatakaudzwa nemuporofita wedu (Gwete),” anodaro Tawanda.

Mambo Saunyama vanoti vachatsvaga mazano kubva kumidzimu yeko ekuti chii chingaitwe nekuda kwemapfupa embudzi akavigwa muguva aya achinzi ndeemunhu aya.

“Ndichabvunzira kumidzimu kuti toita sei nenyaya yemapfupa embudzi akavigwa. Tinotarisira zvakare kuti Benenia auye mudare rino asangane nevemhuri yake, zvichida musi wa19 Chikunguru. Ticharipisawo Gwete nemhuri yekwaZiko nekuda kwekupedzera dare nguva. Mhuri iyi yakanganisa dzinza redu nekuviga kwavakaita mapfupa embudzi,” vanodaro Mambo Saunyama.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey