Vakaviga munhu asiriye, ndokuzofukunuriswa guva

16 Dec, 2023 - 18:12 0 Views
Vakaviga munhu asiriye, ndokuzofukunuriswa guva Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HAMA dzevanhu vaviri avo vakapondwa kunzvimbo yemabhizimisi yeMkoba 14 neMkoba 16, kuGweru, nemusi wa4 Zvita dzakazopesanisa zvitunha zvevaviri ava, imwe mhuri ikaguma yaviga mutumbi usiriwo.

Vakapondwa ndiTakudzwa Chipadza naCourage Sibanda, mitumbi yavo ndokuendeswa kumochari yechipatara cheGweru Provincial Hospital nemusi wa6 Zvita.

Zvinonzi hama dzaChipadza dzakazoenda kumochari uko vakanotora mutumbi waSibanda nekusaziva, ndokusiya wehama yavo.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti mhuri yekwaChipadza yakazoviga mutumbi waSibanda nemusi wa7 Zvita kumakuva eMutasa Cemetery ari kuClifton Park, muGweru.

“Nemusi wa7 Zvita zvakare, hama dzaCourage Sibanda dzakazoendawo kuchipatara chimwe chete ichi ndokunotora mutumbi wavaifunga kuti waiva wehama yavo asi uri waTakudzwa Chipadza. Vakaenda nawo kuSomabula uko vaironga kunouviga.

“Nyaya iyi yakazobuda pachena rechimangwana racho vava kuda kuonekana nemufi, baba vemufi ndivo vakaona kuti mutumbi uyu waisava wemwana wavo,” vanodaro Insp Mahoko.

Mhuri iyi inonzi yakazozivisa vakuru vechipatara cheGweru Provincial Hospital uye hama dzaChipadza dzikaziviswawo.

“Mhuri mbiri idzi dzakazoenda ndokunoongorora vose mutumbi uyu vakabvumirana kuti waiva waTakudzwa Chipadza. Kureva kuti wakavigwa waiva waCourage Sibanda nekudaro kufukunurwa kwemutumbi waCourage Sibanda kwakazobvumidzwa nemutemo, chitunha chichibva chazofukunurwa nemusi wa14 Zvita.

“Mutumbi waCourage Sibanda uchavigwa kuSomabula uyewo waTakudzwa Chipadza kumakuva eMutasa Cemetery kuGweru,” vanodaro.

Insp Mahoko vanokurudzira vanhu kuongorora zvizere mitumbi yehama dzavo.

“Sarudzanai pahukama hwenyu kune vasingatye kuongorora zvitunha, ndivo voenda pamberi kunotora mitumbi mumochari sezvo vamwe vachitarisa zvekubiridzira. Zvinorwadza kuti munoviga mutumbi usiwo mozofukunura, zvinotora mari yakawanda kumhuri dzose idzi,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey