Uncategorized

Vamwe 18 vafa muzuva rimwe

21 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
Vamwe 18 vafa  muzuva rimwe Dr Mahomva

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU 18 vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMuvhuro hunove huwandu hwakanyanya kukwira kana zvichienzaniswa ne14 vakafa svondo rapera pazuva rimwe chete.

Mashoko anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa nevana anoratidza kuti vanhu 2 283 vakawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa musi uyu.

“Nyaya itsva 2 283 dzevabatwa nechirwere ichi ne18 vafa dzaziviswa nezvadzo nhasi (Muvhuro),” rinodaro bazi iri.

Pavanhu 18 vakafa ava, 15 vavo ndevemuHarare apo vamwe vari vekunzvimbo dzakasiyana dzenyika.

Vanhu vakawanda vakapedzisira kufa nedenda iri vaive 14 avo vakafa nemusi weChitatu svondo rapera.

Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 195 079 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri munyika muno munaKurume wegore rapera.

Pavarwere ava, 140 812 vakatopona asi vamwe 4 805 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 4 060 046 vange vabaiwa nhomba dzekutanga (1st dose) dzekudzivirira Covid-19 apo vamwe 3 074 698 vange vabaiwa majekiseni aya ose ari maviri.

Hurumende ine chinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent kana kuti vanhu 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika ino kuti pange paine dziviriro kubva kuchirwere ichochi.

Zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa uye nevari kufa, Hurumende iri kutora matanho ekudzikamisa mamiriro ezvinhu aya.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti varambe vachitevedzera zvizere matanho ekudzivirira chirwere ichi.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, nguva pfupi yadarika vakayambira kuti Hurumende inogona kusimbaradza matanho ekurwisa Covid-19 (lockdown) kana huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri hukaramba huchikwira zvakanyanya.

Asi izvi zvinokwanisa kudzivirirwa kana veruzhinji vakatevedzera zvizere matanho aripo ekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Dr Mahomva vanoti Hurumende iri kuramba ichiongorora kushanda kwematanho akatarwa ekurwisa Covid-19.

Vanoti kuvandudzwa kwematanho aya kuchaitwa pachitariswa mamiriro ezvinhu maringe nechirwere ichochi.

“Ibasa redu tose nekuti tikarega kudaro uye huwandu hukaramba huchikwira, hatina zvimwe zvatingaite, asi kusimbaradza matanho iwaya,” vanodaro Dr Mahomva.

Pari zvino Zimbabwe iri padanho reLevel 2 lockdown.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey