Vana 2 vafira mumvura pamba

11 Dec, 2022 - 15:12 0 Views
Vana 2 vafira mumvura pamba Asst Insp Nomalanga-Msebele

Kwayedza

Valencia Ndhlovu

DANHO rakatorwa nekanzuru yeBulawayo rekumbovhara mvura kwemaawa 72, rinonzi rakakonzera rufu rwevana vaviri vemhuri dzakasiyana avo vakany’ura mudhishi nemumugomo inochengeterwa mvura nevabereki vavo pamba.

Vagari vekuBulawayo vari kupedza maawa anodarika 72 vasina mvura iyo iri kumbovharwa sezvo yakadzikira kubva kumadhamu ekanzuru izvo zvakaona dhamu reUmzingwane richimbomira kushandiswa.

Muchiitiko chekutanga, mwana ane mwedzi mipfumbamwe yekuberekwa wekuNkulumane, akafira mudhishi hombe remvura raive pedyo nemubhedha apo akasiiwa akarara naamai vake vane makore 36 ekuberekwa.

Padarika awa imwe, mumba munonzi makangobuda ruzha rwaisanzwisisika izvo zvakatuma amai vacho kuenda kunotarisa kuti chii chaiitika, ndokuwana mwanasikana wavo atony’ura mumvura yaive mudhishi.

Vakaedza kubatsira ne’first aid’ asi zvakaramba.

Vakazomhanya nemwana uyu kukiriniki uko vakasvika ndokuudzwa kuti akange atofa.

Tsaona yechipiri yakaitika kuCowdray Park, apo mwana ane gore rekuberekwa akafira mumugomo wemarita 20 mushure mekunge asiiwa natete vake achitamba panze ivo vaenda kunogeza.

Mwana uyu anonzi akasara achichengetwa natete vake vane makore 25 ekuberekwa avo vakamusiya achitamba panze ivo vachinogeza.

Vapedza kugeza, vakaenda panze ndokuona muzukuru wavo any’ura mumugomo uzere mvura.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuBulawayo, Assistant Inspector Nomalanga Msebele, vanotsinhira nyaya mbiri idzi.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vavasiye zvigubhu, madhishi kana mabhaketi zvavanochengetera mvura zviri pedyo panogona kusvikirwa nevana kuitira kuti zvakadai zvisaitike,” vanodaro Asst Insp Msebele.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey