Uncategorized

Vana vakadyisa baba nembwa

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Andile Tshuma—

VARUME mukoma nemunin’ina vakasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuuraya baba vavo kuNkayi mushure mekunge vanetsana pamusoro penyaya isati yave kuzivikanwa, uye mutumbi wemurume uyu wakazongoonekwa wave kudyiwa nembwa.

Vagari vemubhuku raLuthi vakasara vaine kutya kukuru zvichitevera kupondwa kwababa vange vava nemakore 60 ava — avo vari kunzi vange vakagarisana nevamwe zvakanaka munzvimbo iyi.

Ndumiso (29) naMhlonipheni Sibanda (25) vanonzi vakaponda baba vavo, Josiah Sibanda, nemusi weChitatu chadarika.

Vavakidzani vanoti mushakabvu akanetsana nevana vake ava apo paakazowanikwa akafa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Inspector Spiwe Makonese, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mukoma nemun’ina ava vakabatwa nemapurisa uye vari kupomerwa mhosva yekuponda. Vari mutirongo uye vari kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi,” vanodaro.

Mapurisa anoti Josiah akabva pamba masikati eChitatu chadarika akatakura redhiyo yake achichovha bhasikoro uye haana kuzombodzoka kumba uku.

Vanakomana vake ava vanonzi vakarara vasina wavazivisa kuti vakange vasiri kuziva kuna baba vavo.

Muzuva rakatevera, mumwe wevanakomana vaJosiah anonzi akaenda kumba kweshamwari yemushakabvu — uyo asina kuzivikanwa zita rake — achida kunzwa kana aive neruzivo rwekwaive nababa vavo.

Shamwari yababa vavo iyi inonzi yakati yaisaziva kwavaive apo vakomana vaviri ava vakaenderera mberi nekuita basa ravo ravanogara vachiita.

Munguva dzemasikati, mumwe wevanakomana ava anonzi akanzwa imbwa dzichihukura ndokubva aenda kunoona kuti dzaihukure chii.

Anonzi akabva azivisa vavakidzani vavo kuti aive achangobva kuona mbatya dzababa vake dzaive neropa dziri kunze kwemusha wavo.

Vamwe vanhu vakange vaungana pamusha uyu vanonzi vakabva vanzwa zvakare imbwa dzaihukura chinhambwe chemamita 30 kubva pamusha uyu. Pavakaenda kunoongorora, vanonzi vakasvikoona mutumbi waJosiah uchidyiwa nembwa.

Ndumiso naMhlonipheni vakabva vasungwa nemapurisa kuti vanobvunzurudzwa pamusoro penyaya iyi uye vanotarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi inotevera.

Muvakidzani wemhuri iyi, VaSilas Ngulube, vanoti pakaonekwa mutsetse weropa waibva paive nembatya dzemushakabvu uyu kusvika pane mutumbi wake.

Vanotizve vagari vemunzvimbo yavo vakasara vaine kutya kukuru nechiitiko ichi.

“Aive munhu ainge akanaka zvikuru kugara naye, asingapopotedzane nevamwe. Zvinorwadza kuti akafa rufu rwakadai uye mutumbi wake kuwanikwa uchidyiwa nembwa sezvinonzi akange ari munhu aive asina pekugara. Zvinosuwisa zvikuru kwatiri isu senharaunda,” vanodaro VaNgulube.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey