Uncategorized

Vana vakaitirwa mabiko

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

ZVAKAKOSHA kuti veruzhinji vacherechedze kodzero dzevanhu vakaremara mitezo pamwe nekusavasarura. Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemumiriri wevakarema mitezo (Disabled Representative) mudare reSenate, Senator Annah Shiri, pamabiko akaitirwa vana vakaremara pamwe chete nevabereki vavo nesangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children Association (ZPCHA) kumuzinda waro uri Unit K, kuChitungwiza.

Musi uyu zvakare paipembererwa zuva guru rekucherechedza kodzero dzevakaremara, reInternational Disability Day.

Sen Shiri, avo vaive muenzi anoremekedzwa pachiitiko ichi, vanotenda mabasa ari kuitwa nesangano reZPCHA mukurangarira vana vakaremara nevabereki vavo kuburikidza nekuvaitira mabiko uye kushambadza nhuna dzavanosangana nadzo.

“Nyaya dzerusarura kuvana vakaremara uye vabereki vanenge vasununguka vana vakaremara dzichiri kuramba dzakadzika midzi munyika muno. Kazhinji unoona mudzimai anenge asununguka mwana akaremara achirambwa nemurume uye kupomerwa mhosva dzakadai sehuroyi uhwo hunenge huchinzi ndihwo hunenge hwaita kuti abare mwana akaremara,” vanodaro Sen Shiri.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vakaremara vanosangana zvakare nezvituko kana kutumidzwa mazita anovadzikisira. Saka pazuva ranhasi tinoramba tichikusha mashoko kuvabareki kuti vave nechido nevana ivava, zvisinei nekuti vakaremara.

“Ini muchindiona kudai, ndiri munhu akaremara, handina rimwe gumbo asi hazvirevi kuti ndinobva ndagumirwa neupenyu. Ndinokwanisa kutyaira motokari nekuita mamwe mabasa anoitwa nevanhu vasina kuremara,” vanodaro.

Vabereki vane vana vakaremara, vanodaro Sen Shiri, kana vakawaniswa ruzivo, vanokwanisa kuziva machengeterwo avo akanaka pasina zvekuvaviga vachitya kusekwa.

“Vabereki musavharire vana mudzimba, vaburitsei vatambe nevamwe. Itai kuti vaende kuchikoro kuti mugokwanisa kuona pane zvipo zvavo nekuti kuremara handi kukundikana. Tinoda kuti zvikoro zvevakaremara zvinge zvakatekeshera nenyika kuitira kuti vana ivava vawane dzidzo nemabasa,” vanodaro.

Mukuru wesangano reZPHCA, Mai Theresa Makwara, vanotenda nekuwaniswa kwavakaita nzvimbo yekuvaka musha wevana vakaremara nekanzuru yeChitungwiza.

Izvi, vanodaro Mai Makwara, zvichabatsira vabereki vane vana vakaremara kuti vaite zvirongwa zvekufundisana machengeterwo evana ava uye mabhindauko anovapa chouviri.

“Dambudziko repekugara iguru kwazvo kuvanhu vakaremara nekuti paye pavanofamba vachitsvaga pekugara, kana vakangoona kuti une mwana akaremara, vanogona kushaiswa imba nekuda kwerusarura. Madzimai ane vana vakaremara vazhinji vacho ishirikadzi mushure mekutizwa nevarume apo vanozvara vana vakaremara.

“Pamusoro pezvo, vazhinji vavo havashandi mabasa akati tsvetere nekuti munguva zhinji vanenge vaine vana vavo nekuti vanotoda kugara vakaberekwa,” vanodaro Mai Makwara.

Mai Sostina Njanji (37), avo vanove mumwe wevabereki vane vana vakaremara, vanoti matambudziko avari kusangana nawo ndeekudhura uye kushaikwa kwemishonga yekupa mwana wavo uyo akaremara.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey