Uncategorized

Vana vanodawo kudzivirirwa

06 May, 2020 - 00:05 0 Views
Vana vanodawo kudzivirirwa Dr Manangazira

Kwayedza

Kingstone Mapupu naMalven Mugadzikwa
APO veruzhinji vari kutevedzera kurudziro yeHurumende nemasangano eutano inoti munhu wose anofanirwa kupfeka masiki (mask) pose paanenge ari paruzhinji kuitira kurwisa kutapurirana nekupararira kweCovid-19, kune rimwe zera revanhu risiri kuita izvi vana.

Kupfeka masiki kunonzi neveutano kunoderedza mikana yekuti munhu atapurire kana kutapurirwa hutachiona.

Pavanhu vabatwa vaine Covid-19 muZimbabwe panemwana.

Covid-19 inokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus uho hunotapuriranwa nyore uye nekukasika muvanhu.

Kutanga nemusi weMuvhuro, ruzhinji rwevanhu vari kufamba paruzhinji vari kunge vakapfeka mamasiki kana kushandisa mamwe machira kuzvivhara miromo nemhino senzira yekuzvidzivirira.

Asi vamwe vana vari kungofamba kana kutamba vasina mamasiki.

Mutemo mutsva uyo wakadzikwa nemusi weMugovera wadarika unosunga avo vanobatwa vasina kupfeka mamasiki paruzhinji uye anokonwa nemhosva anobhadhariswa faindi yakakura kana kupotserwa mujeri.

Mutemo uyu wakananga kuti veruzhinji vapfeke mamasiki kuitira kuti Covid-19 isapararire muZimbabwe.

Sekutaura kwebazi rezveutano nekurerwa kwevana, kusvika nemusi weMuvhuro uno, vanhu 34 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekunge vaongororwa.

Pavanhu ivava, vana (4) vavo vakashaya kuchiti vamwe vashanu vanaya.

Mudikidiki wevawanikwa vaine Covid-19 ava mwana anemakore mana ekuzvarwa kuchiti akurisa ndewemakore makumi masere nemaviri (82) ekuberekwa.

Zvinoreva kuti coronavirus inokwanisa kubata mazera ose kusanganisira pwere idzo dziri kungombeya dzisina kudzivirirwa.

Asi ongororo yakaitwa neKwayedza nezuro muHarare inoratidza kuti vana, kunyanya pwere dzinotamba mitambo yakasiyana mumigwagwa, havasi kupfeka mamasiki kudzivirira Covid-19.

Mumisha inogara vazhinji, Kwayedza yaiona vana vachitamba vasina kupfeka mamasiki izvo zvinokwanisa kuisa utano hwavo nehwevakuru panyatwa.

Vamwe vevana ava vaitamba nhabvu, vachitadza kukoshesa kurudziro inoti vanhu vasaite chitsokotsoko kana kugumana nguva ino yeCovid-19.

Vashoma vaionekwa vaine mamasiki vainge vakaapfeka zvisirizvo vamwe vakatoarembedza mumaoko kana muhuro.

Asi Hurumende inoti munhu wose kusanganisira vana anofanirwa kupfeka masiki kana ari paruzhinji.

Ongororo iyi yakaburitsawo kuti muzvitoro zvinotengesa mishonga muHarare hamuna mamasiki evana.

Dr Portia Manangazira, avo vanova Director Epidemiology and Diseases Control kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, pavakabvunzwa nezvenyaya iyi vanotsinhira vachiti:

“Ichokwadi, hakuna mamasiki evana. Asi vabereki ngavatsvage dzimwe nzira dzekuti vaone kuti vadzivirira vana vavo kubva kudenda iri nekuvapfekedza mamasiki, kunyange edzimwe                     mhando.”

Zvakaonekwawo kuti vana, kana dai vakaberekwa kumusana, havasi kudzivirirwa pavanenge vari paruzhinji sezvinodiwa.

“Hatina mamasiki evana, atinawo anongova evanhu vakuru bedzi. Asi iwaya anokwanisa kudzorwa nekusungwa kuti apfekeke kuvana,” anodaro mumwe mushandi wemuchitoro chemishonga chiri pakati peguta reHarare apo akabvunzwa.

Muchitoro ichi maingova nemamasiki evanhu vakuru bedzi.

“Hameno, pamwe tichazoaitawo evana vadiki asi pari zvino hatina. Munoramba muchinzwa nesu,” anoenderera mberi achidaro mushandi uyu apo airatidza Kwayedza mamasiki evanhu vane zviso zvidiki ayo aanoti anokwanisa kudzorwa kuti akwane kuvana.

Mamasiki evakuru ari muzvitoro izvi akakura zvekuti vana vakada kuashandisa anenge achivharira zviso zvavo. Mutengo wawo uri kutangira paUS$0,60 kusvika paUS$6 imwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey