Uncategorized

Vana vatatu vatsvira mumba

16 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Vana vatatu vatsvira mumba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANA vatatu vemhuri imwe chete vaive nemakore 7, 11 ne18 okuberekwa vanonzi vakafa nekutsva vari mumba yavo iyo yakabatira nekuda kwemoto wesango wakapambira kusvika pamusha pavo svondo rapera kwaSabhuku Sengu, kuWard 5, kudunhu raMambo Seke.

Mai Amkela Sidange vanova mukushi wemashoko kusangano reEnvironmental Management Agency (EMA) vanotsinhira nezvenjodzi iyi iyo yavanoti yakawira mhuri yekwaWiridza neMugovera wadarika.

“Moto wesango uyu wakauraya vanakomana vatatu ava mushure mekunge watanga nechekumaodzanyemba kwemusha wekwaWiridza uye hapana anoziva chakakonzera moto uyu asi unonzi wakatanga munguva dzekuma10 manheru. Mhuri yekwaWiridza yakamuka ikatanga kudzima moto wainge uri kupisa purazi ravo vachibva vaenda kumba.

“Kuma 12 husiku, vamwe vavakidzani vavo vakamuka vachibva vamhanya kuenda kumhuri yekwaWiridza uko kune imba yainge yabatira moto kuti vanobatsira kuudzimura uye kuburitsa vanhu vaivemo. Asi vakakundikana, vana vose vaivemo vachibva tsviramo mushure mekunge denga remba yekubikira rabatira moto rikawira mukati,” vanodaro Mai Sidange.

Vanoti vakarasikirwa neupenyu ava vainge vakarara muimba yekubikira iyo yainge yakapfirirwa nehuswa.

“Nyaya iyi yakatomhan’arwa kumapurisa. Ongororo yakaitwa inoratidza kuti pakadzimurwa moto waive mupurazi iri, vanhu vakazoenda kunorara kwave nemoto mushoma wainge wasara unova wakazosimudzwa nemhepo ukakura uchienda kudzimba dzemhuri yekwaWiridza. Vabereki vevana vakashaya vanoti Miros Wiridza naamai vavo, Winnet Muchenge, vainge vaenda kumusika weJambanja uri kuChitungwiza panguva yakaitika tsaona iyi. Vana vakashaya nekuda kwemoto uyu ndiAnesu Wiridza (18) uyo aiita zvidzidzo zveForm 4 paChirimamhunga Secondary School, Kundai Wiridza (11) aive muGrade 5 paDzumbunu Primary School naTadiwa Wiridza (7) aive muGrade 1 pachikoro chimwe chetecho,” vanodaro.

Vanoti kuburikidza netsaona iyi, mhuri yekwaWiridza yakarasikirwawo nemahekita maviri emunda ayo akaparadzwa nemoto, chimbuzi uye imba nemimwe midziyo yaivemo kusanganisira ma50kg maviri efetiraiza, mibhedha mitatu, bhara, zvitupa nehumwe hungwanda-ngwanda.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuita ongororo maringe nenyaya iyi kuti paonekwe kuti ndiyani chaizvo akatanga moto uyu uye pakatovhurwa dhoketi refiro yevana ava rine nhamba dzinoti RRB 4882650,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey