‘Vanhukadzi pindai muWrestling’

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘Vanhukadzi pindai muWrestling’

Kwayedza

Daphne Machiri —
SANGANO reZimbabwe Wrestling Federation rokurudzira vanhukadzi kuti vapinde mumutambo uyu wemhandamatsipa richiti kunze kwekugwinyisa muviri, vamwe vanokwanisa kuwana raramo kubva mauri.

Mutevedzeri wemukuru wesangano iri, Tapiwa Ray Masinire, anoti zvakakosha kuti vanhukadzi vave nechido nemutambo uyu.

“Mutambo uyu haunei nezera kana ruvako rwemuviri.

“Isu tiri kuona zvakakosha kuramba tichiusimudzira nekuumutsiridza, zvikuru kuvanhukadzi sezvo tichida kuvapa mikana yakaenzana nevanhurume,” anodaro Masinire.

Anoenderera mberi achiti, “Tine tarisiro yekuramba tichisimudzira mutambo uyu tichishanda pamwe chete neavo vaunotsigira. Iye zvino tiri mushishi yekugadzirira kuenda kumakwikwi atakakokwa seZimbabwe Wrestling Federation kuEastern Gauteng Benon Johannesburg Open Champions. Kuchange kuine nyika dzinosanganisira Germany neUnited States of America kubva musi waKukadzi 16 kusvika 18,” anodaro Masinire.

Anoti kana vakakunda kuSouth Africa, zvichavapa mukana wekupinda mumakwikwi e2017 Paris World Champions muna Nyamavhuvhu gore rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey