Vanonditi ndiri muroyi: Gogo

26 Dec, 2023 - 10:12 0 Views
Vanonditi ndiri muroyi: Gogo Mbuya Joice Ngandi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHEMBERE yekwaNhakiwa, kwaMutoko, iri kurarama upenyu hwekuchengetwa nevatorwa uye dzimwe nguva ichigara musango nekuda kwekurambwa nehama apo inopomerwa kuti muroyi apedza kuuraya dzinza.

Mbuya Joice Ngandi (69) vanoti mukurarama kwavo vakamboshanda kumakambani nemumayadhi vaine murume wavo ndokutenga imba kuWarren Park, muHarare, asi vakazodzingwa pamba apa varambana nemurume uyu.

“Baba vangu handivazive, kwandinoti kumusha kuMudzi kumusha kwaamai vangu kwandakarerwa kunova kwandakakurira kusvikira ndaroorwa. Ndakaita vana vatanhatu, mumwe chete akashaika ndikasara nevashanu avo vava kundinanga.

“Munin’ina wangu akashaika zvakare, saka hapana anondida kubva kuvana vangu nekuhama dzekwangu. Ndaimboroja muHarare kusvikira ndachembera kudai, handichagona kuzvishandira uyewo ndava kurwara,” vanodaro Mbuya Ngandi.

Vanoti vane mwana musikana anorasika njere, mumwe akarambwa nemurume nevamwe vanosangana nematambudziko akasiyana uye vanopomerwa kuti ndivo honzeri yejambwa rose iri.

“Vana vandirasa, fungai ndine mumwe ari kuUK neari kuBotswana nevamwe vatatu vari muno. Kana kundichengeta havachaita, ndaimboroja kuMayambara uko ndakadzingwa nekushaya mari midziyo yangu ikabatwa. Ndaimbochengeta amai vangu zvinhu zvichakanaka vakarwara kwenguva refu kusvikira vakazoshaika nemusi wa30 Chivabvu gore rino tikanovaviga kumusha kwaMutoko,” vanodaro Mbuya Ngandi.

Mbuya Ngandi. – Mifananidzo naCharles Muchakagara

Izvozvi chembere iyi iri kugara kwaGombiro, kuNyatsime, mumugwagwa unobva kuHarare uchienda kwaChihota, uko yakatorwa neimwe mhuri ine tsiye nyoro mushure mekuonekwa ichigara musango.

Mbuya Ngandi vanoti vanorwara nezvirwere zvinosanganisira gomarara, Bp, shuga, maronda emudumbu nemwoyo.

“Izvozvi pandinogara ndakanhongwa musango nevamwe amai vachibva vandipa imba room imwe chete yekugara kwemwedzi mitatu chete kubva mumwedzi waGumiguru kureva kuti Zvita uno ndinofanirwa kubuda. Handizive varoora vangu kunyangwe vazukuru chaivo ndinotoshuvirawo kuva navo sedzimwe chembere. Mwana wangu ari kuBotswana ndinonzwa kuti ane motokari zhinji kusanganisawo neari kuUK ane dzimotokari asi handina kumbobvira ndakadzikwira nekuti vanoti dzinoita minyama nekuda kwangu,” vanodaro.

Mbuya Ngandi vanoti mumhuri yavo vakaberekwa vari vasikana vaviri uye mumwe wavo akashaika.

Chembere iyi inoti inombopindwa nemweya wekuzviuraya nekuda kwekusemwa uku.

“Murume aimbenge akandiroora tikarambana taita vana 4 tiine imba kuWarren Park, anobva kwaMurehwa anova sabhuku ikoko. Akandidzinga mugore ra1981 pamba kusvikira ndava kuita zvekuroja ndichichengeta vana vangu ava. Ndakazoita vamwe varume vaviri nevana vaviri kuti vasvike vatanhatu pane mumwe akazoshaika.

“Mumwe wevana vangu musikana ane mwana akaremara asingataure uye ndinonzi ndini ndakamuroya, ndatambura ini nekunzi muroyi,” vanodaro Mbuya Ngandi.

Vanoti vasvitsa makore mashanu pasina mwana wavo anotaura navo.

“Ini handizive kuti kuroya kwacho kwandisingazive kwakamira sei. Ndakamboenda kumatare edzimhosva kuti ndibatsirwe ndikaendawo kuGirl Child Network. Mari yangu yekushanda kwandakaita muzvitoro, mumahotera nemumayadhi yakapera ndichipinza vana vangu chikoro.”

Vanoti vanoda kubatsirwa nemapositori kana n’anga dzinogona kuti vabviswe munyama wekunzi vanoroya.

“Mumwe wevana vangu anoti anondirota ndichifukunura makuva, asi kwandinofamba ndoga ndinonzi handiroye, pamwe ndinoroya ndisingazive hamheno,” vanodaro.

Armtage Nhau Chikuse (42) mumwe wevana vavo anogara pamba paiva paambuya ava kuWarren Park vasati varambana nemurume, anoti zvose zvinotaurwa naamai vake zvekuti vanovati muroyi manyepo.

“Amai vava kuvhiringika pfungwa, hatizive dzimwe nguva kupenga. Tikada kuvatsvagira pekugara vanoramba, vanongoda kumberereka nenyika. Ini ndinotyaira makombi anobva muguta kuenda kuWarren Park. Mukomana ari kuUK anovatumira mari yekudya nerendi kwete zvekuti havachengetwe.

“Ini izvozvi ndakavatengera girosari reKirisimasi, dambudziko nderekuti handizive kwavanogara chaiko. Kana vachinzi vafa tinotora mutumbi wavo ndaamai vedu asi vanonetsa nekutaurisa kunyangwe varoora vakavataramuka,” anodaro Armtage.

Mai Priscilla Gavi vanova executive director wesangano reHelpAge Zimbabwe (HAZ) vanoti idambudziko remhuri zhinji rekuti munhu akangokura anonzi muroyi.

“Ngatichengetei vakwegura vedu zvakanaka nekuti ndivo vamwari vedu vekutanga,” vanodaro Mai Gavi.

Madzibaba Mateo Mupfumbati vemuHarare vanoti hakuna ngozi inodarika kunanga mubereki huroyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey