‘Vari kunditi ndini ndakauraya murume’

02 Feb, 2024 - 12:02 0 Views
‘Vari kunditi ndini ndakauraya murume’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUMWE mudzimai anoti pakafa murume wake, hama dzake dzakati ndiye aive akonzeresa rufu urwu ndokushevedza n’anga yainzi yaizomubvisa shavi rehuroyi mushure ndokuzodzingwa pamba pamwe chete nevana vake.

Patricia Mutyavaviri akaendesa Ignatius Mafuruse anove mwana wemurume wake kudare reHarare Civil achiti ari kumurambidza kusvika pamba pake.

“Ndiri kurambidzwa kusvika pamba apa mushure mekudzingwa nemhuri yekumurume vachiti ndini ndakakonzeresa hurwere hwemurume wangu. Murume wangu akarwara neBp yakaita kuti aite ‘stroke” iyo yakazomuuraya.

“Vakashevedza n’anga pamba vachiti vaida kubvisa shavi rekuroya riri pandiri ndokuzondidzinga pamwe nevana,” anodaro Mutyavaviri.

Anoenderera mberi achiti: “Chandiri kuda kupihwawo mari yemaroja kuti ndikwanise kuendesa vana kuchikoro nekutenga chikafu nekuti imba takavaka tese nemurume wangu.

“Pakashaya murume wangu, ndakaendawo kunhamo asi ndadzoka, vana vangu vaviri vakasvikorwara. Mukuru wacho ane makore gumi nematanhatu haachatogoni kufamba kana kuzvibatsira, anogara akarara ndokusaka ndiri kudawo kudzoka pamba kana kuti ndiwaniswe mari yemaroja ndibatsirike.”

Achipawo divi rake, Mafuruse anoti pakarwara baba vake, Mutyavaviri akabva atuta twake ndokunoroorwa nemumwe murume.

“Chiri kutishamisa ndechekuti vava kuda kudzoka kumba ivo vakasoenda makore mashanu apfuura vachinoroorwa kumwe,” anodaro Mafuruse.

“Vana vakasununguka kuuya kuzogara asi ivo hazvichaite nekuti baba vakasiya vanyora kuti vasasvike pamba zvachose. Pari zvino hapana kana muroja aripo, vana ngavauye zvavo asi ivo kwete,” anodaro.

Mutongi Tamara Chibindi vakarasa chikumbiro chaMutyavaviri chegwaro redziviriro vachiti haana kukwanisa kupa umboo hunogutsa dare hwekuti ari kumbunyikidzwa.

Vakatomubvunzawo kuti aivepi makore mashanu apfuura uye ainge akanyararirei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey