Uncategorized

Varimi vofara nembeu dzeSeed Co

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Varimi vofara nembeu dzeSeed Co Murimisi weSeed Co Rabson Musumudziwa achirondedzera kukosha kwe”flag leaf” pakusimudzira goho regorosi ari paSiyalima Irrigation Scheme.

Kwayedza

Rabson Musumudziwa
VARIMI vemadiridziro — kunyanya takatarisana neSiyalima Irrigation iri munharaunda yeHose Shoe, mudunhu reGuruve, kuMashonaland Central — vari kufara zvikuru negoho rinovafadza kubva kumbeu dzinouchikwa neSeed Co.

Vachitaura pakushanyirwa kwemadiridziro eSiyalima nevarimisi veSeed Co vakabatana nenyanzvi dzezvekurimwa kwembeu mudunhu reGuruve pamwe neveDAPP, mukuru wemadiridziro eSiyalima, VaGodfrey Chimufombo vanoti vanofadzwa negoho ravari kuwana kuburikidza nokurima mbeu dzakauchikwa nekambani yeSeed Co.

Mwaka uno wechando, VaChimufombo pamwe chete vevamwe vavo makumi matatu nevasere vakabatana vakarima mbeu yegorosi inonzi SC Select iyo inouchikwa neSeed Co pandima inosvika mahekita makumi matatu nemasere (38ha).

Ichi chibage chakakohwewa mwaka uchangodarika wa2019-20 paSiyalima Irrigation Scheme. Varimi vakadyara mbeu yeNzou SC727 uye vari kufadzwa negoho ravo uye kushingirira kunoitwa nembeu iyi muzuva.

Murimisi weHurumende kubva kuAgritex, VaMuriro vanoti gore rino vane tarisiro yokuti pachabuda goho guru nekuda  kwembeu yavakasarudza.

Vanoti SC Select yakavapa matungirwa (tillers) matanhatu padzinde roga roga. Vanowedzera vachiti musoro wegorosi wakakura chaizvo zvokuita 10cm pane tsanga dzakakora izvo zvinonongedzera kugoho guru.

Ongororo yakaitwa yakaburitsa pachena kuti misoro yegorosi inoberekwa nematungwa inopa goho rine mumvuri kana zvichienzaniswa nemusoro unobva padzinde rokutanga. Nokudaro varimi vanokurudzirwa kudyara gorosi ravo kubva panotanga mwedzi waChivabvu kusvika paunopera kuitira kuti rigoita mabukirwa akawanda anosimudza goho.

Chinangwa ndechekuti tigova nemadzinde mazana maviri nemakumi mashanu pandima yesikweya mita imwe naimwe. Mabukirwa anozobuda akawanda achibatsiridzwa nechando.

Nyanzvi pakurimwa kwembesa muAgritex mudunhu reGuruve, VaLoki vanokurudzira varimi kuti vatore kurima sebhizimusi. Vanoenderera mberi vachiti shizha rekutanga (flag leaf) pambeu yegorosi rakakosha nokuti ndipo panobva goho. Vanotizve rinofanira kuramba riine ruvara rwegirini kuti goho risaderera.

SeSeed Co tinogarotaura kuti pane zvikonzero zvingadarika churu (1 000) zvingadzikisa goho remurimi, asi zvinhu zviviri bedzi zvinoita kuti murimi awane goho guru.

Ndizvo zvinoti chokutanga kusarudza mbeu inopa goho, uye chechipiri nzira dzakanaka pakurimwa kwembeu (good agronomic practices GAPs).

Chirimwa chegorosi reSC Select rakarimwa paSiyalima Irrigation Scheme.

SC Select inokwanisa kupa murimi goho ringapfuura matani gumi nerimwe. Pamusoro pazvo, yakauchikwa kuti adzivirire zvirwere zvinodzikisa goho sechengura (rust) ingaita pamashizha kana padzinde. Izvi zvoreva kuti murimi anochengetedza mari zvoita kuti ave nepundutso pakurima.

Varimi vanokurudzirwa kuita gadziriro yemwaka watatarisana nawo we2020/21 nokutenga mbeu dzavo dzinosanganisa dzechibage, soyabeans, nedzimwe dzakasiyana-siyana.

Vaenzi vakazoratidzwa masaga akasonwa ane chibage cheSC727 chakarimwa paSiyalima icho chagadzirira kuenda kudura reGMB riri paGuruve.

Pakava nemukana wekuzivisa hutungamiri hweSiyalima mbeu itsva dzinoenderana nemamiriro ekunze dzakaita seSC659 inova yemwaka wepakati nepakati ichigona kupa goho remusvo ringasvika matani gumi nemasere pahekita yoga yoga.

Imwe itsva iSC555 yemwaka mupfupi iri muboka reMbizi. Inogona kupawo goho ringasvika matani gumi nemana pahekita.

PaTsoko panewo mbeu itsva inonzi SC419 asi yava negoho ringasvika matani gumi nematatu pahekita.

Varimi vakazokurudzirwa kutevedzera zviga zvinoita kuti tidzivirire denda reCOVID-19 radai kushungurudza pasi rose zvakaita sokugeza mawoko nemvura yakachena nesipo uye kusiya mukaha pakati pevanhu nokupfeka zvinofukidza mhino nemuromo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey