Varwere vepachipatara cheChitungwiza vakabatsirwa  

05 Jan, 2024 - 14:01 0 Views
Varwere vepachipatara cheChitungwiza vakabatsirwa   Chikafu, magumbeze nemishonga zvakapihwa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital naMadzibaba Nengomasha

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARWERE avo vakapihwa mibhedha pachipatara cheChitungwiza Central Hospital vakasara vaine nyemwerero muzviso zvavo mushure mekuwaniswa chikafu, magumbeze, mishonga, madondoro, bota (cerevita) uye nenyama yemombe mbiri izvo zvinokosha US$12 000 naMadzibaba Simbarashe Nengomasha vechechi yeJohanne Masowe yeCannan nomusi weMuvhuro svondo rino.

Vakapa zvekare rubatsiro rwechikafu nezvekupfeka kumusha wevakwegura weBumhudzo Old People’s Home muChitungwiza mekare.

Madzibaba Nengomasha vanogaropa rubatsiro rwemhando iyi mukupera kwegore rega-rega senzira yekupemberera gore idzva.

Vachitaura pachiitiko ichi chinova chakapaindwa nenhengo dzeJunior Parliament uye vamwe vatendi vekereke iyi, Madzibaba Nengomasha vakapa nhoroondo yekurwara kwakaita baba vavo vakagara kwenguva ndefu vari muchipatara ichi.

Asi vakazorapwa vakanaya zvakaita kuti vaone kukosha kwezvipatara muupenyu hwevanhu.

“Baba vangu vakarwara zvikuru asi vakarapwa pano vakapora zvisinei nekuti takanga tava kushaya tariro neupenyu panguva yakaoma kudaro. Ndakafara zvikuru ndikaona kukosha kwezvipatara,” vanodaro.

Vanokurudzira vemakambani akasiyana kuti vaite mabasa ekudzorera kunharaunda nemuzvipatara kuti nyika ifambire mberi zvakanaka.

“Mutungamiriri wenyika Cde Emmerson Mnangagwa vanogarotaura kuti nyika inovakwa nevene vayo saka ibasa redu sevagari vemuZimbabwe kutsigira zvipatara nemabhindauko. Pachipatara pano tine mabhindauko ekurima miriwo atiri kuita kuti varwere nevashandi vawane muriwo. Takapa mombe mbiri dzinotsika kuti varwere vawane muriwo nekuti mishonga bedzi haishandi kana varwere vasina kudya. Tauya zvekare nemishonga yevarwere inokosha uye madondoro nekuti tinoziva tsaona dzawanda vanhu vari kusiiwa varemara asi vachizodhurirwa nekumatenga. Kupa kune mufaro kunokunda kugamuchira,” vanodaro.

Chamangwiza wepachipatara ichi, VaRaphael Makota,  vakatenda rubatsiro urwu vachiti rwucharerutsa raramo yevarwere, zvikuru sei panguva iyo vari kutarisana nematambudziko akadai sekushomekerwa nezvekushandisa.

“Rubatsiro urwu rwakakosha nekuti Hurumende yega haingazvigoni. Zvipatara zvizhinji zvakasara zvisina pekutangira zvichitevera kunyuka kwedenda reCovid-19 uye chirwere chemanyoka echolera chinova chakanyanya munzvimbo ino yeChitungwiza zvichikonzerwa nekushomeka kwemvura uye hutsanana. Kuuya kwevatsigiri vachitambanudza ruoko seizvi kunoitawo kuti basa redu rifambe zvakanaka,” vanodaro.

Mukushi wemashoko pachipatara ichi, Dr Audrey Tasaranarwo, vanoti Madzibaba Nengomasha vatova Ambassador wechipatara ichi zvichitevera kuzvipira kwavanoita mukubatsira varwere uye vamwe vevatendi  vekereke yavo vari kutodzidzawo vachiwaniswa mabasa pachipatara ichi.

Iri idanho guru rebudiriro raisavako kare pachitariswa nyaya yevatendi vechipositori nekudyidzana kwavo nezvipatara.

Nhengo yeJunior Parliament, Gamuchirai Muzvondiwa anova Junior President of Senate anoti vanofara zvikuru kushanda nevemachechi mukusimudzira nyaya dzeutano.

“Tinoshanda nevekereke dzechipositori mukurwisa nyaya dzekutorwa kwezvinodhaka apo Madzibaba Nengomasha vari ivo Ambassador weAnti-Drug Abuse,”  anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey