Vasiiswa musha zvidhoma zvagumbukira ‘tea hobvu’

30 Mar, 2023 - 09:03 0 Views
Vasiiswa musha zvidhoma zvagumbukira ‘tea hobvu’ Musha wave dongo uyo une hungwanda-ngwanda hwemidziyo inosanganisira chikochokari, mibhedha nendiro

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vemubhuku raMusendeki riri kuChiurwi, kwaMambo Nyashanu, kuBuhera, vari kugara vazere nekutya zvichitevera nyaya yezvidhoma zvinonzi zvakauraya vanhu vana (4) vemhuri imwe zuva rimwe chete apo zvakagumbuka kuti zvainge zvanwiswa svutugadzike isina mukaka.

Zvidhoma izvi zvinonzi zvaichengetwa pamusha waVaAaron Marara, avo vanonzi vakashaika zuva rimwe chete nemudzimai wavo pamwe chete nevazukuru vaviri mugore ra2002 apo vakarohwa nezvinhu zvisinganzwisisike kuti zvii.

Parufu rwavo panonziwo pakaitika masaramusi apo sadza nenyama zvaisapera mundiro dzaidyirwa nevanhu vaivapo.

Zvidhoma izvi zvinonzi zviri kuonekwa padongo rakatizwa nemhuri yaiva yasara zvichingomberereka uyewo midziyo yepamusha apa inongovapo. Dzimba dzepadongo apa dzapera kumera miti mukati.

Sabhuku Musendeki, VaJifasiyo Cleopas Musendeki (71), vanoti kunyange nyaya iyi yakaitika makore mazhinji adarika, haina kupera sezvo zvidhoma izvi zvichiripo pamusha uyu uye zvinoita kuti vanhu vatye kudarika nepo.

“Musha uyu une zvihombe, hapana munhu anopinda mudongo iri, anofiramo. Ini ndaisavapo ndiri kubasa kuBulawayo pandakanzwa kuti Mudhara Marara navadzimai vavo nevazukuru vaviri varohwa nezvidhoma zvavo vakafa zuva rimwe chete. Zvinonzi zvidhoma izvi zvakashatirwa zvanwisa svutugadzike yaisava nemukaka sezvo mombe dzakanga dzanonoka kukamwa semusha waiva nemombe zhinji,” vanodaro Sabhuku Musendeki.

Musha wave dongo uyo une hungwanda-ngwanda hwemidziyo inosanganisira chikochokari, mibhedha nendiro

Vanoti zvinozivikanwa munharaunda mavo kuti VaMarara vaiva vakaromba.

“Inyaya inozivikanwa muno muBuhera kuti Marara aiva akaromba, akazorohwa nezvidhoma zvake zvose navadzimai nevazukuru vaviri vakafa zuva rimwe chete zvashatirwa. Vanhu ava vafa, mapurisa vakauya ndokutakura mitumbi kuenda nayo kuchipatara cheRusape kunoongororwa.

“Pakudzosa zvitunha izvi, motokari yaiva yakatakura zvitunha yakakwira mumuti nemabhokisi ikaburuka seinodzikiswa netambo,” vanodaro Sabhuku Musendeki.

“Hama dzemhuri iyi, iyo yaiva yatama kubva kuMasvingo, havana kumbouya kunhamo iyi vachitya kurohwawo nezvidhoma izvi. Zvinonzi zvidhoma izvi zvaiva zvakapanana mhiko nemhuri iyi yekudya zvinonaka, kusanganisira kunwa svutugadzike ine mukaka wakawanda nguva dzose, izvo zvisina kuitwa musi wakazorohwa vanhu ava sezvo mombe dzakanonoka kukamwa,” vanodaro sabhuku ava.

Vanoti pakavigwa mitumbi mina iyi, vanhu vakabva vaparara musi wakare uye midziyo yepamusha apa haina kumbogovewa iyo inongovapo.

Vamwe vana vemhuri iyi vakanga vamboshinga kusara varipo vanonzi vakarohwawo nezvinhu izvi ndokuzotiza vachienda kwakasiyana kusanganisira kuRomsley, kwaRusape, Chisumbanje, Mayo nekuHwedza, musha uyu ndokusara rava dongo.

“VaMarara vaifudza mombe nengorositina kana kuti penny hwisiri yavairidza mombe idzi dzomira kana kufamba vachinzwanana nadzo, dzaisadya zvirimwa kunyange dzasara dzoga mudhunduru kana pedyo nemunda. Pakatama vanhu vose, dzakasara dziripo dzichienda kumafuro nekudzoka dzichisvikomira padanga kusvika raparara dzava kungorara pamhene nekufuma dzichienda kumafuro dzoga. Hakuna munhu aidziba.”

Makuva emhuri yekwaMarara

Sabhuku Musendeki vanoti mwanasikana wepamusha apa akazombouya munguva pfupi yakadarika akagadzirisa makuva evanhu vasere vakafa mumusha uyu.

“Akauya ndokukumbira kuti aida kugadzira makuva evanhu 8 ari pamusha apa, isu ndokumubvumidza asi ini handina kusvikapo,” vanodaro.

Vanoti pane masaramusi makuru anoitika pamusha uyu, kusanganisa kufamba kwezvinhu zvisinganzwisisike nekurohwa kwevanhu nezvinhu.

“Pane munhu akanga aba mubhedha pamusha uyu uchibva wanotanga kutaura varere navadzimai vake uchiti: ‘Iwe swedera uko’.

“Mudzimai achinzwa izvi, akazobvunza murume wake akadura kuti akanga auba kwaMarara, vakazodzoka nekwandiri achikumbira ruregerero akautakura nengoro ndikamuti anoudzosera izvo akanoita. Zvinhu zvepamusha uyu hazvibatwe kana kubiwa.”

Sabhuku Musendeki vanoti midziyo yose inosanganisira magejo, zvikochikari, ndiro, mapoto nezvimwe zviripo pamusha uyu pasina vanhu vanogona kuzviba.

Madhishi

VaHenry Musendeki (67), mutevedzeri waSabhuku Musendeki, vanotsinhira nyaya iyi vachiti musha uyu unotyisa.

“Pamusha uyu pakaitika ‘disaster’ chaiyo, vakarohwa nezvidhoma zvavo vakapera kufa. Vanhu vana ava vasati vafa, kune vamwe vemumhuri iyi vaingofa zvisina tsarukano. Vakasara vacho vakazotiza musha uyu vaoneswa chitsvuku nezvidhoma izvi.

“Tine vana vakawanda vasina minda asi hatigone kuvapa panzvimbo iyi uyewo hapana anobvuma kupagara,” vanodaro VaHenry Musendeki.

Waya nezvimwe zvinhu zvepamusha apa zvinonzi hazvibatwe sezvo zvichinzi zvinotaura.

Pakakumbirwa Sabhuku Musendeki nemutevedzeri wavo kuti vaperekedze vatori venhau veKwayedza pamusha uyu, vose vakaramba vachityira upenyu hwavo.

“Aiwa, imi varume mauya moga, kana muchida endai munosvika pamusha apa, panopisa. Mumwe anosaramo hatizivi kwekuzoendesa zvitunha zvenyu. Ini handidi kana, mombe dzavo dzakatozotengeswa nemwanasikana wepo ndiye anotova nechivindi anouya oga,” vanodaro Sabhuku Musendeki.

Mai Modester Murandu (47) vanova muvakidzani nemusha wave dongo uyu uye mudzimai waVaRabson Musendeki (75) vanotsinhira nyaya iyi.

Mai Modester Marandu

“Isu taimboita maricho mumunda mavo, rimwe zuva takapihwa nzvimbo yekusakura yakakura ndokutanga kuita basa tichiita zvekutimba. Takasakura nzvimbo inoshamisa tiri vaviri ndokuzopihwa mukonde wesadza waigona kudyiwa nevanhu vakawanda nehari yemukaka, dhishi rembambaira nehari yemahewu. Zvose takazvidya tikazvipedza,” vanodaro Mai Marandu.

Vanoti vakaita guruva zhinji mumuviri wavo apo vakazoziva kuti vaishandiswa nezvidhoma izvi uyewo kuti vaidya pamwe chete nazvo.

“Ichokwadi VaMarara nemudzimai wavo nevazukuru vaviri vakarohwa nezvidhoma vakafa zuva rimwe chete. Motokari yaiva yatakura zvitunha yakabheuka pakudzoka. Mumwe mudhomeni aiva muno aibva kuChipinge akamboenda achida kunovaona sezvo vaipinda vose chechi yeDutch, akarohwa achisimudzwa mudenga achikandwa pasi,” vanodaro Mai Marandu.

Vanoti zvidhoma izvi zvakanga zvashatirwa kuti zvakanga zvapihwa svutugadzike isina mukaka.

“Panhamo apa pakauya muporofita akazodzikamisa zvidhoma izvi kuti vanhu vakwanise kuviga vafi. Pane murume akaba mubhedha wepo akadzoka nawo uchitaura. Midziyo yose iripo haina kugovewa uye panoitika masaramusi,” vanodaro Mai Marandu.

Vanoti munguva pfupi yadarika, mwanakomana wavo akasangana nechirume chipfupi aine bhasikoro chaiva chakapfeka bhachi hombe ndokuzotakurwa nevamwe varume nemotokari husiku vachimununura kubva kuchimurume ichi.

“Mwana wangu akazouya achitaura nyaya iyi zvava kuita kuti tiwedzere kutya. Ini ndinomboenda ndichitsvaga huni musango remudongo iri pasina chandinoona, asi vazhinji vanotya kufamba nemumigwagwa yepadongo iri vachiti vanoona zvinhu zvakasiyana.

“Ini ndakapinda chikoro nevana vepamusha apa vose vakatiza kunze kwemumwe chete musikana anombouya. Ndinokurudzira ruzhinji kuti vasiyane nekutsvaga mishonga yekupfuma, ngavazvishandire nemaoko,” vanodaro Mai Marandu.

Zvisinei nekutya kwevanhu venzvimbo iyi avo vakaramba kupinda pamusha uyu neKwayedza, vatori venhau vakazokwanisa kupinda voga vachitora mifananidzo asi vazere nekutya kukuru.

Vamwe vanhu vakaona vatori venhau vana (4) vachipinda mudongo iri vakambomira vakayeva vaine fungidziro yekuti vaigona kurohwa nezvinhu izvi.

“Tinokumbira kuti vehukama vemusha uyu vadzoke vazogadzirisa musha wavo, ini zvangu pamba pangu handina dambudziko kunyangwe ndiri muvakidzani wepo,” vanodaro Mai Marandu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey